Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vokurudzirwa Kuita Basa Vasina Kwavanorerekera


Zimbabwe's Lawyers For Human Rights (ZLHR) Board Member Beatrice Mtetwa speaks to the media outside the High Court after she was granted a $500 bail in Harare, March 25, 2013.
Zimbabwe's Lawyers For Human Rights (ZLHR) Board Member Beatrice Mtetwa speaks to the media outside the High Court after she was granted a $500 bail in Harare, March 25, 2013.

Kutapwa nekubudiswa kwenhau mumapepanhau nemudzinhepfenyuro chinhu chakakosha zvikuru munguva yesarudzo.

Asi nekuda kwekuti pane mapato akawanda achakwikwidza musarudzo dzichaitwa munyika gore rino vamwe vanhu vave nemibvunzo yekuti vatori venhau vachakwanisa kuita mabasa avo sezvakafanira here.

Mutori wenhau, uye ari nhengo yeVoluntary Media Council of Zimbabwe, Tapfuma Machakaire, anoti sarudzo dzichaitwa munyika gore rino dzichange dzakakosha zvikuru munhoroondo yenyika.

Machakaire anoti kubviswa pachigaro kwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kufa kwemutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nekuvepo kwemapato akawanda anoda kukwikwidza musarudzo, kunopa vatapi venhau mutoro wakakura wekuti vatsanangurire veruzhinji zvizere nezviri kuitika mune zvematongerwo enyika kuitira kuti vanhu vakwanise kusarudza zvine hungwaru vanhu vachavatungamirira.

Machaikre anoti zvisinei kuti musarudzo muchave nemapato anokwikwidza akawanda, zvakakosha kuti vatori venhau vaite basa ravo nemazvo vasina divi ravakarerekera mune zvematongerwo enyika uye vasinganyore kana kutepfenyura zvinhu zvinokurudzira kutukana, kupokana kana kuvengana munyika.

Mutauriri webato reZAPU, VaIpithule Maphosa, vanoti zvakakosha kuti mapepanhau nenhepfenyuro kunyanya dzehurumende zvizivise veruzhinji nezvemapato aya pamwe nemagwaro awo ane zvivimbiso zvezvaanotarisira kuita kana akakunda musarudzo kuitira kuti vanhu vagokwanisa kuita sarudzo yavo nehungwaru.

Vamwe vanhu kunyanya vemapato anopikisa vanowanzochema-chema nerekuti mapepanhau nenhepfenyuro kunyanya dzehurumende, zvinobudisa nhau dzakarerekera kudivi rebato reZanu PF.

Mazuva mashoma apfuura, munyori mubazi rekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, vakaudza bepanhau rehurumende reChronicle kuti panguva yesarudzo Zimbabwe Electoral Commission ndiyo inenge ine masimba ekuongorora kuti vatapi venhau vanenge vachiita mabasa awo nemazvo here kwakatariswa nyaya dzine chekuita nesarudzo.

Mutauriri webato reNational People’s Party, VaJeffryson Chitando, vanoti vanoshushikana nenyaya yekuti mapepanhau nenhepfenyuro zvehurumende zvichiri zvakarerekera kudivi rebato reZanu PF.

Mutori wenhau anoshanda akazvimira ega, Muzvare Thelma Chikwanha, anoti anotsigira maonero ekuti panguva yesarudzo vatapi venhau vanofanirwa kuita basa ravo nenzira inoita kuti veruzhinji vazive zvinhu zvine hudzamu kwete kupedza nguva vachitaura zvinhu zvisinganyanyobatsira vanhu zvakadai sehuwandu hwevanhu vanenge vaenda kumisangano yekutsvaga rutsigiro yemapato ezvematongerwe enyika.

Pari zvino dare reparamende riri mushishi yekuvandudza mitemo ine chekuita nesarudzo izvo zvinonzi nevamwe zvichabatsira pakuita kuti mapepanhau nenhepfenyuro zvishande zvisina divi razvakarerekera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG