Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Media Commission Yotarisira Musangano Mukuru Svondo Rinouya


Sangano reZimbabwe Media Commission richaita musangano waro mukuru wekuronga mashandiro esangano iri svondo rinouya. Musangano uyu ndewekugadzirisa zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzekutorwa kwenhau munyika.

Musangano uyu unoitika mushure menyaya dzinoratidza kusawirirana kuripo mu ZMC pamusoro pekupihwa basa repamusoro, kwevaimbova sachigaro we Media and Information Commission, Va Tafataona Mahoso, avo vakaitwa chief executive officer we ZMC.

Nyaya yaVaMahoso inonzi yakonzera kusawirirana kukuru mu ZMC, makomishina ari divi re ZANU-PF, achiti vanofanirwa kushanda pamwe nevamwe vose vaifambisa basa ku MIC. Ukuwo makomishina ari divi re MDC haasi kutsigira nyaya yekupa VaMahoso basa guru mu ZMC, vachiti ndivo vakavharisa mapepanhau mazhinji.

VaMahoso vakadomwa zvakare sasachigaro we Broadcasting Authority of Zimbabwe negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu. Izvi zvakakonzera zvakare mutauro mukuru muhurumende yemubatanidzwa.

Va Mathew Takaona mumwe wemakomishina eZMC. Va Takaona vanoti veruzhinji vanofanira kupa ZMC nguva nemukana wekuti vaite basa rekuchinja zvinhu munyaya dzezve nhau munyika.

XS
SM
MD
LG