Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Media Commission Inopa Marezenisi Mapepanhau Matsva


Zimbabwe Media Commission, ZMC, yakapa mapepanhau mashanu mvumo yekudhindwa neChitatu.

Sachigaro veZMC, VaGodfrey Majonga, vanoti mapepanhau mashanu aya atumirwa marezinesi awo zvekuti mamwe achaawana neChishanu, mamwe achiawana neMuvhuro.

VaMajonga vanoti makambani aya anogona kutanga basa chero nguva kana achinge atambira marezenisi aya.

Mapepanhau akapiwa marezinesi anosanganisira The Daily News, iyo yakavharwa nechisimba muna 2003, The Worker, pepanhau reZimbabwe Congress of Trade Unions ZCTU, NewsDay, bepanhau reAlpha Media Daily Gazzette yeModus Publications, pamwe ne The Mail.

VaMajonga vatiwo sangano ravo rakapa basa VaTafataona Mahoso semushandi mukuru weZMC, uye VaMahoso vachange vachiita zvavanenge vaudzwa nekomisheni.

ZMC iri kushorwa nevamwe vane chekuita nekutorwa kwenhau vachinzi ndivo munhu akakonzeresa kuvharwa kwemapepanhau vachishandiswa nevaimbove gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo.


Chief Executive Officer veAlpha Media, Va Raphael Khumalo, vanoti vari kufadzwa nekupihwa rezenisi kwavakaita neChitatu.

XS
SM
MD
LG