Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoita Musangano Mukuru muWhite City Stadium kuBulawayo


VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti munyika hamufanirwe kuve netsika yerusarura kuchishandiswa nyaya yerudzi kana mutauro.

Zviuru nezviuru zvevanhu zvazadza nhandare yeWhite City Stadium muBulawayo pamusangano wemapato ari mumubatanidzwa weMDC Alliance wekutsvaga rutsigiro.

Vachitaura kekutanga muBulawayo semutungamiri webato reMDC T, VaChamisa, avo vambotaura kwekanguva mururimi rweNdebele, vati zvakakosha kuti vatungamiri mune zvematongerwo enyika vabatsire mukuunza kubatana munyika nekukwanisa kutaura ndimi dzakasiyana-siyana dzinotaurwa munyika.

Vati hapana mutauro kana rudzi runofanirwa kuonekwa serwakakosha kupfuura rumwe munyika.

VaChamisa vati vashanyira kwaive kumba kwemushakabvu Joshua Nkomo. Imba iyi yave museum.

Vati vazviona zvakakodzera kukumbira ruregerero kumnhuri yekwaNkomo nekushungurudzwa kwakaitwa VaNkomo zvisinei nekuti vakaita basa mukusunungura nyika kubva muhutongi hwehudzvinyiriri.

VaChamisa vati veruzhinji havasati vawana rusununguko chairwo rwavanofanirwa kuve narwo vakatiwo bato ravo nemubatanidzwa weMDC Alliance vari kurwira kuti vaunze rusununguko rwechokwadi.

VaChamisa vabata-batawo nyaya yemakakatanwa avo naMuzvare Thokozani Khupe avo vanozviti ndivo vakafabobata chigaro cheMDC-T, vachiti vanotarisira kuti Muzvare Khupe vachaona kukosha kwakaita kuti vadzoke mubato.

Muzvare Khupe nevamwe vavo vanoti vari kuita kongiresi yavo nemusi wa Kubvumbi 21 muBulawayo.

VaChamisa vatiwo nyaya yekuti ndiani pakati pechikwata chavo nechaMuzvare Khupe achashandisa zita reMDC T iri kugadziriswa.

Musangano wemuBulawayo wapindwawo nevatungamiri vemapato ari muMDC Alliance.

Nyaya InaTaurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG