Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokuridzirwa Kugadzirisa Zviri Kunetsa Munyaya dzeHutano


VaHenry Madzorera vachitaura kuvatori venhau, Ndira 4, 2019.
VaHenry Madzorera vachitaura kuvatori venhau, Ndira 4, 2019.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yakurudzira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti izadzise chibvumirano chakaitwa nenyika dzemuAfrica cheAbuja Declaration chekuti hurumende dzose dzemuAfrica dziise mari isiri pasi pezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvemabhajeti munyaya dzezvehutano.

Kurudziro iyi inouya apo vana chiremmba vari kuramwa mabasa vachiti vanoda kubhadharwa nemari yekunze uye kupihwa zvikwanisiro zvekuti vaite basa ravo nemazvo. T

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House, munyori anoona nezvehutano muMDC, Doctor Henry Madzorera, vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehutano munyika nepamusana pekuti hurumende haisi kukoshesa hutano hweveruzhinji munyika.

VaMadzorera vakurudzira hurumende kuti izadzise chibvumirano cheAbuja Declaration, icho chakasainwa muna Kubvumbi 2001 nenyika dzemuAfrica, kusanganisira Zimbabwe, chinosungira hurumende kuti iise mari isiri pasi pezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kubva pabhajeti renyika gore roga-roga munyaya dzehutano.

VaMadzorera vati kusamira zvakanaka kwezvinhu muzvipatara zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuitwa nana chiremba nevamwe vashandi vemuzvipatara, kwave kutoda kuti hurumende isvike painowirirana nevari kuramwa mabasa aya kwete kuti irambe yakaomesa musoro veruzhinji vachiramba vachirasikirwa nehupenyu.

Gore rino hurumende ine bhajeti rinosvika 8.16 billion dollars, uye bazi rehutano riri kupihwa mari inoita 694.5 million dollars, zvinova zvikamu zvisere nechidimbu kubva muzana.

Mari iyi iri pasi zvikuru pezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zviri kukurudzirwa muAbuja Declaration.

Munyori mubazi rezvehutano, Doctor Gerald Gwinji, varamba kutaura pamusoro pekuzadziswa kwezviga zveAbuja Declaration, vakati titaure negurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo.

Taedza kubata VaMoyo, asi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaConrad Gweru, vaudza Studio7 kuti dai hurumende ichizadzisa zviri muchibvumirano cheAbuja Declaration ichi zvinhu zvingadai zvisina kuminama mune zvehutano munyika.

Asi VaGweru vanotiwo kupa zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kubva pabhajeti renyika kunopawo hurumende dambudziko rekuti mamwe mapandiko ehurumende anozowanawo mari isingakwane pakatariswa nyaya yekuti homwe yehurumende yakabooka.

Zvichakadai, sangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, iro rine nhengo dziri kuramwa mabasa raburitswa mashoko ekuramba zvaziviswa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, kuBulawayo nhasi zvekuti vana chiremba vabvuma kudzokera kumabasa mushure menhaurirano dzinonzi dzaitwa kuBulawayo kwakare nhasi pakati paAmai Mnangagwa nenhengo dzesangano iri.

Gwaro raburitswa nesangano iri rinoti vana chiremba vakamirira kunzwa zvabuda mumusangano uyu kubva kunhumwa dzavo rozonobvunza nhengo dzaro kuti rotora gwara ripi.

Vana chiremba vava nemazuva anodarika mwedzi vachiramwa mabasa vachiti vanoda kubhadharwa nemari yekunze pamwe nekupihwa zvikwanisiro zvinoita kuti vaite basa ravo nemazvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG