Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Ichabatana neVamwe Mukurangarira Magamba Asi Isingaendi kuMhemberero


Mutewedzeri wemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC, VaLuke Tamborinyoka.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti icharangarira vose vakarwira rusununguko rwenyika, pamwe nevakafa vachirwira kodzero dzevanhu mushure mekunge nyika yawana kuzvitonga, asi haisi kuenda kuchange kuchiitwa mhemberero idzi. Rutendo Mawere anotipa nyaya inotevera.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyoka, vanoti havasi kuzorangarira nhengo dzebato ravo chete, asi kuti vanokoshesa hondo yeChimurenga nevakafira Zimbabwe vachiti basa ravo seMDC, kuzadzikisa zvakaenderwa kuhondo.

VaTamborinyoka vanotiwo bato ravo rinokoshesa kuti Zimbabwe yakauya mushure mekudeuka kweropa. VaTamborinyoka vatiwo apo nyika iri kurangarira magamba akafira rusununguko rwenyika, vanorangarirawo nhengo dzebato ravo dzakafira kuti nyika ive nehutongi hwejechetere vakaita samuchakabvu Morgan Tsvangirai nevamwe.

Asi VaTamborinyoka vanoti bato ravo harisi kuenda kumhemberero dzenyika vachiti parakamboenda riri muhurumende yemubatanidzwa, nhengo dzebato ravo hadzina kuremekedzwa.

Mumashoko avo pazuva remagamba, VaChamisa vatiwo kwavari munhu wese igamba sezvo vanhu vari kurarama hupenyu hwakaoma pasina mafuta edzimotokari, mvura yakachena, kushaikwa kwemagetsi nemamwewo matambudziko.

VaChamisa vatiwo zvinorwadza kuti vakarwira rusununguko, nhasi vari kutambura vasina rubatsiro rwavanowana kubva kuhurumende.

VaChamisa vatiwo varume nevakadzi vakarwira nyika ino, vaive negwara rakanaka remangwana ravo, asi shuviro yavo yakavhiringwa nevanhu vanotungamidza zvido zvavo chete, nechinangwa chekuda kuti ivo chete, vave vapfumi.

VaChamisa vanoti zvinorwadza zvikuru kuti Zimbabwe, iyo yaive dura reAfrica, ndiyo yava kupemha chikafu nhasi – zvinova zvinhu zvinopesana nezvakarwirwa muhondo yerusununguko.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF kanawo hurumende panyaya yekuti MDC iri kuti haisi kuenda kumhemberero nekuti hairemekedzwi kumakungano akadai.

Mhemberero dzezuva ramagamba gore rino dziri kuitwa pasi pedingindira rekuti “Lest we forget heroes who fought for this struggle.”

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG