Accessibility links

Breaking News

Mutungamii weMDC VaChamisa Voyambira Kuti Bato Ravo Richaratidzira Mwedzi Uno


Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vanoti vari kuronga kuratidzira mwedzi uno.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vanoti vari kuronga kuratidzira mwedzi uno.

Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vanoti bato ravo riri kugadzirira kuratidzira mwedzi uno vachiti vakagadzirira kutungamira kuratidzira uku.

Vachitaura nhasi kumhomho yevanhu muChinhoyi VaChamisa vanoti vakagadzirira kutungamira kuratidzira uku sezvo kuratidzira iri kodzero yebato ravo nezvizvarwa zvenyika.

VaChamisa vanoti chiri kushamisa muhurumende nemubato reZanu PF kufunga kuti dambudziko munyika ndaVaChamisa vachisiya dambudziko rekushaikwa kwemari, hurombo, kushaya zvekudya pamwe nekushaikwa kwemabasa.

VaChamisa vashoropodzawo mauto ayo anoramba kuti haana kuuraya vanhu musi wa 01 Nyamavhuvhu asi zviri pachena kuti vakaonekwa vachipfura vanhu.

Vanoti masoja anofanirwa kusiya tsika yavo yekutsigira mapato ezvematongerwo enyika.

Patabvudza murongi wemisangano mubato iri, VaAmos Chibaya kuti kuratidzira kuchaitwa riini, vanoti kuratidzira kuri kuitwa mwedzi uno sezvo wave kuzivikanwa nekuratidzira.

Mumwe mugari wemuChinhoyi vari mutsigiri weMDC VaGilbert Rangai vanoti vakagadzirira kuratidzira chero nguva.

Kunyange hazvo VaChamisa vari kuti havatsigire vanhu vanoratidzira vachiita zvemhirizhonga, mumwe mugari wemuChinhoyi, mumwe mugari wemuChinhoyi anoti vanoshoropodza mashoko emutungamiri weMDC aya sezvo vachiona seasinga vaki nyika.

Gurukota rezvemukati menyika VaCain Mathema vakatozivisa kare kuti hurumende yakagadzirira kutorera matanho akaomarara vanhu vachakanganisa kugadzikana kwemunyika kuburikidza nekuratidzira kusiri pamutemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG