Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti ZEC Haina Kugadzirira Zvakakwana Chirongwa cheBVR


VaObert Gutu
VaObert Gutu

Veruzhinji pamwe nebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vanoti chirongwa chekunyoresa vanhu kuvhota chatanga hach asi pane zvakawanda zvinofanirwa kugadziriswa neZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe wevanhu vaenda kunonyoresa muHarare kuti vagovhota musarudzo dzegore rinouya, VaEnock Mukudu, avo vanogara mumusha weGlen View, vati nzvimbo yavanzi vachazovhotera haisi munharaunda yavo.

Mumwe mugari wekuBorrowdale, VaEdmore Manyofa, vati zviri kutora nguva yakareba zvikuru kuti munhu anyoreswe semuvhoti sezvo vachiti vazhinji vari kunyoresa vanhu sevavhoti havana ruzivo rwakakwana nemichina yavari kushandisa pakunyoresa vanhu sevavhoti.

VaManyofa vati izvi zvichaita kuti vanhu vazhinji vatadze kunyoresa kana zvikasagadziriswa.

Mumwe mugari wekuChitungwiza, Muzvare Yvonne Muchaka, avo vatiwo vakanyoresa semuvhoti neChipiri, vati vanotoresa mhiko, commissioner of oaths, havasi kuwanikwa panzvimbo zhinji dziri kunyoreswa vanhu zviri kuita kuti vanhu vadzokere kudzimba vasina kunyoresa kuvhota.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vaudza vatori venhau kuti sebato vari kushushikana zvikuru nemafambisirwo ari kuitwa basa nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZEC.

VaGutu vatiwo havasi kufara nekuti havasati vakwanisa kuona pane dura riri kuchengeterwa mashoko kana kuti server inenge ichichengeterwa mazita evanhu vanenge vanyoresa kuvhota.

Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vaudza Studio 7 vari mumutsetse wekunyoresa kuvhota paTown House kuti zvose zviri kuitika izvi hazviratidze kuti sarudzo dzegore rinouya dzichange dzichiri pachena.

Vamwe vashandi veZEC vatataura navo vati michina yavari kushandisa mishoma zvikuru kuti vakwanise kunyoresa vanhu vemuHarare neChitungwiza pasina matambudziko sezvo nzvimbo idzi dzine mhomho yevanhu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG