Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vave kukwidza gakava ravainaro nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, Zec, kuSADC neAfrican Union vachiti sarudzo hadzisi kuzoitwa musi wa30 Chikunguru kana nhuna dzavainadzo pamafambisirwo esarudzo dzisina kugadziriswa izvozvi.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House muHarare, VaChamisa vati sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru hadzisi kuzoenderera mberi kana Zec isina kugadzirisa zvose zvavari kuda kuti zvigadziriswe pamberi pesarudzo idzi.
VaChamisa vati vatoumba chikwata chinosanganisira Muzvinafundo Welshman Ncube, VaTendai Biti, VaJacob Ngarivhume pamwe naVaAgrippah Mutambara icho chichaenda kunosangana nevatungamiri vesangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC pamwe nesangano renyika dzose dziri muAfrica reAfrican Union nechinangwa chekuti masangano aya apindire mukugadzirisa gakava ravainaro neZec.
VaChamisa vati havasi kuzobvuma kuti Zec ienderere mberi nekufambisa sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru kana isiri kuda kugadzirisa nhuna dzavo.
Vaenderera mberi vachiti sarudzo dzikafambiswa zvisina kunaka, hurumende ichazovepo mushure mesarudzo idzi inenge iri hurumende isina kukodzera kutungamira nyika.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio7 kuti zvakakosha kuti veSADC neAU vapindire nekukasika vachiti kusafambiswa zvakanaka kwesarudzo kunogona kukonzera kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo munyika.
MDC Alliance inoti iri kuda kuti kudhindwa kuri kuitwa mapepa ekuvhotera kumiswe izvozvi sezvo ichiti mapepa aya ari kudhindwa zvisina kuwirirana kwevose vari kukwikwidza musarudzo.
VaChamisa vanotiwo vari kuda kupihwa gwaro revavhoti neZec rine mifananidzo yevanhu vakanyoresa kuvhota.
Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, kuti tinzwe divi ravo pane zvataurwa naVaChamisa sezvo vanga vachiti vari mumusangano patavabata parunhare.
Asi mukuru anoona nezvesarudzo muZec, VaUtoile Silaigwana, vakaudza Studio 7 neMuvhuro kuti mapato ezvematongerwo enyika anofanira kumira kupindira mumafambisiro anoitwa basa nekomisheni yavo vachiti zvose zvavari kuita zviri pamurawu.
Mumashoko avakaburitsa neChipiri, Amai Chigumba vakatiwo zviri kutaurwa neMDC Alliance zvekuti kune vanhu vazhinji vakanyoresa kuvhota munzvimbo dzakasiyana-siyana vachishandisa kero imwechete ndezvemugotsi matsuro.
Facebook Forum