Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoita Musangano Mukuru muBulawayo neMugovera


VaNelson Chamisa pane umwe musangano wavakamboita

Bato reMDC T rinoti ragadzirira zvose zvinodiwa kuti musangano weMDC Alliance uchaitwa neMugovera muguta reBulawayo ubudirire.

Vatsigiri vemapato ari muMDC Alliance kusanganisira veMDC T, MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube pamwe nevePeople's Democratic Party vapinda mumigwagwa nedzimotokari vachishambadza nezvemusangano uyu uyo uchitwa muWhite City Stadium.

Aka ndiko kachave kekutanga mutungamiri weMDC T neMDC Allaince, VaNelson Chamisa, vachitaura pamusangano muBulawayo.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri weMDC T, Muzvare Thabitha Khumalo, vati vagadzirira zvose kuti musangano wamangwana ubudirire.

Pamubvunzo wekuti chii chichaitwa nebato ravo pamusoro pemakakatanwa ezita rebato sezvo Muzvare Thokozani Khupe vari kuti ndivo vanofanirwa kuve mutungamiri webato chaiye, Muzvare Khumalo vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi iri kugadziriswa.

Muzvare Khupe vanoti ndivo vaifanirwa kutora hutungamiri hweMDC T pakafa VaMorgan Tsvangirai.

Asi National Council yeMDC-T yakadoma VaChamisa semutungamiri webato zvechimbi-chimbi, izvo zvakapa kuti Muzvare Khupe nevamwe vavo vazvipatsanure kubva kuMDC-T inotungamirwa naVaChimasa vachiti vari kuronga kongiresi yeMDC-T chaiyo inoremekedza bumbiro rebato.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG