Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti kana vakakunda musarudzo, makurukota avo haabvumirwi kubuda kunze kwenyika achinorapwa ikoko vachiti izvi zvichaita kuti vavandudze zvipatara munyika.
Vachitaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro paMuchakata Growth Point kuMasvingo Central, VaChamisa vatiwo havasi kuzobvumidza kuti makurukota avo aendesa vana vavo kunodzidza kuzvikoro zvepamsuro kunze kwenyika vachiti, zvose zvinofanirwa kuwanikwa muno.
VaChamisa vati hurumende yavo ichavandudza zvipatara pamwe nezvikoro nezvimwe zviri kushaikwa munyika kuitira kuti vanhu vasatize nyika yavo vachindotsvaga kubatsirwa kunze.
Vashoropodza hurumende iripo vachiti vakuru vayo vanorapwa kunze kwenyika uye vana vavo vanodzidza kunze nekuti vakawondonga zvipatara pamwe nedzidzo yemunyika.
VaChamisa vati nyika yakaparadzwa nehuori, nokudaro hurumende yavo icharwisa huori, pamwe nekugadzirisa zvose zvinoda kugadziriswa kuitira kuti nyika ifambire mberi.
Vachitaurawo pamusangano mumwe chetewo, mutungamiriri wevechidiki muMDCT, VaHappymore Chidziva, vakuurdzira vechidiki kuti vabude vakawanda kuitira kuti vavhotere VaChamisa.
VaChamisa vanotarisirwa kuita mumwe musangano mangwana kuRutenga Growth Point uye kuChiredzi musi weSvondo.
Facebook Forum