Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Alliance Dzinobvisiswa Mari yeChibatiso


Gweta revasungwa veMDC Alliance, VaDenford Halimani, panze pedare redzimhosva.

Nhengo dzeMDC Alliance makumi maviri nenomwe dzakasungwa zvichitevera kuratidzira kwakaitika muHarare svondo rapera, dzapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti dzitongwe dzichibva kubva kwadzo.

Mutongi wedare ramajesitireti ati vasungwa ava vabvise madhora makumi mashanu pamunhu semari yechibatiso.

Vachitura mutongo wavo pachikumbiro chakasvitswa kudare ramejasitiri nenhengo idzi chekuti dzitongwe dzchibva kudzimba, mutongi wedare, VaNyasha Vhitorini, vashora hurumende nekungotaura mudare zvinhu zvinoita kuti vasungwa varambe vari mujeri pasina humbowo hwasvitswa kudare nevachuchisi venyaya zvingaita kuti dare rirambe kupa vasungwa kodzero dzavo dzekutongwa vachibva kudzimba.

VaVhitorini vati hapana humbowo hunonwisa mvura hwakasvitswa kudare nehurumende hunoratidza kuti vasungwa ava vaigona kuzotiza munyika kunyange hazvo gweta rehurumende, VaMichael Reza, vakati miganhu yenyika haina kunyatsochetedzwa zvakakwana.

VaVhitorini vati hapana humbowo hunoratidza kuti vasungwa ava vanogona kutiza munyika vachatiwo hapana zvakare humbowo hunoratidza kuti vanogona kutadza kumirira kutongwa kwenyaya yavo sezvo vazhinji vavo vari vanhu vakasungwa vari pabasa pamuzinda weMDC paMorgan Tsvangirai House uye vamwe vavo vari vanhu vakasungirwa padzimba dzine kero dzavakanyoresa kudare.

VaVhitorini varambawo zvakasvitswa kudare nemuchuchisi wehurumende zvekuti vanhu ava vanogona kuramba vachipara mhosva dzakadai sezvo nyaya dzesarudzo dziri nyoro muhana dzevanhu vazhinji avo vasiri kufara nezvakabuda musarudzo vachiti hapana humbowo hunoratidza kuti vasungwa ava vakambopara mhosva yakafanana neyavari kupomerwa.

Vatsiura hurumende kuti isaunze zvematongerwo enyika mudare vachiti zvakasvitswa kudare negweta rehurumende zvakada kungofanana nezvinoutaurwa nevanotaura zvematongerwo enyika pamisangano yezvematongerwo.

Rimwe remagweta ari kumirira vasungwa ava, VaDenford Halimani, vaudza Studio7 kuti vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare.

VaHalimani vati vane chivimbo chekuti vamwe vari kusungirwa nyaya imwecheteyo vachakwanisawo kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso zvichitevera mutongo waturwa nedare.

Ruzhinji rwevasungwa ava rwakasungwa paHarvest House pavanoshanda uye vamwe vavo vakasungwa vauya kuzosiya mapepa pamuzinda weMDCT yaVaNelson Chamisa uyu sezvo vaive vakamirira bato kunzvimbo dzaivhoterwa musi wesarudzo dzakaitwa musi weMuvhuro svondo rapera.

Kuratidzira kwakaitwa neChitatu chapfuura vanhu vachiti vakange vasiri kufara nekunonoka kweZimbabwe Electoral Commission kuburitsa zvakabuda musarudzo, kwakasiya vanhu vatanhatu vafa mushure mekupfurwa nemasoja.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG