Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mutauriri Webato reMDC Inotungamirwa NavaWelshman Ncube Vobuda Mubato Iri


Vaimbova mutauriri webato reMDC inotungamirwa navaWelshman Ncube vaJoshua Muhambi vanoti vabuda mubato iri.

NeChipiri bato iri rainge rabvisa VaMuhambi kubazi rezvekuburitswa wemashoko vachiendeswa kubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Asi VaMuhambi vanonzi havana kufara nedanho iri uye vaudza Studio 7 kuti vave kuda kuzviitira havo zvinhu zvavo zvavasina kuda kudoma.

Mutevedzeri wemutungamiri webato iri VaEdwin Mushoriwa vanoti bato ravo richaita Congress gore rinouya apo vachazeyawo kuti voramba vachishandisa zita rekuti MDC here kana kuti kwete.

VaMushoriwa vanoti danho rakatorwa nebato ravo pakubvisa VaMuhambi pachidzvimbo chavange vari vachivaendesa kumwe rakatorwa seimwe senzira yekugadzirisa zvinhu sarudzo yekutsvaga mutungamiri wenyika mutsva mugore ra 2018 isati yasvika.

Hurukuro NaVa Edwin Mushoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG