Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoshora Kusungwa kweDzimwe Nhengo Mbiri dzeMDC-T muHarare


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa
Mapurisa asunga dzimwe nhengo mbiri dze MDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, mumusha we Glen View muHarare neChipiri maererano nekupondwa kunonzi kwakaitwa mumwe mupurisa, VaPetros Mutedza, mumusha uyu gore rapera.

Vaviri ava vasungwa apo dzimwe nhengo dzebato iri makumi maviri nepfumbamwe, dzinosanganisira mutungamiri wevechidiki mubato iri, VaSolomon Madzore, dziri mujeri nenyaya imwe cheteyo kwenguva yava kudarika gore.

Zvinonzi mapurisa asvika pakati pehusiku pamba paVa Jackson Mabota vanove sachigaro weimwe wadhi yeMDC mu Glen View varere ndokuvasunga vachiti vanoda kunovabvunzurudza.

Zvinonziwo mapurisa azosunga VaTarirai Kusotera neChipiri masikati vari kubasa kwavo mudhorobha. VaKusotera ndivo sachigaro wevechidiki mu MDC muGlen View

Mutauriri wemapurisa mupurovhinzi yeHarare, VaJames Sabau, vaudza Studio 7 parunhare kuti vaviri ava vari kubatsira mapurisa kuferefeta kupondwa kunonzi kwakaitwa VaMutedza, nevanonzi nehurumende inhengo dzeMDC. VaSabau vati kunyange hazvo vaviri ava vasati vapomerwa mhosva zviri pamutemo, vasungwa ava vakachengetwa pakamba yeHarare Central.

Vanowona nezvekurongwa kwemisangano muMDC, VaNelson Chamisa, vashora kusungwa kwaitwa vaviri ava vachiti kusungwa-sungwa kuri kuitwa vatungamiri vebato ravo munzvimbo dzakasiyana siyana kuedza kuri kuitwa ne Zanu PF kuvhiringidza bato ravo pamberi pesarudzo dzinonzi nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, dzinofanirwa kuitwa gore rinouya.

VaChamisa vakurudzira sangano renyika dziri kuchamhembe kwe Africa, re SADC, mubatanidzwa wenyika dzemu Africa, African Union pamwe nemamwe masangano epasi rose, kuti atumire nhumwa dzinoongorora mamiriro ezvinhu munyika sarudzo dzisati dzaitwa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG