Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaMawarire Okumbira Dare Kurasa Mhosva Yavari Kupomerwa


Pastor Evan Mawarire#ThisFlag
Pastor Evan Mawarire#ThisFlag

Vachuchusi vehurumende vapeta kuchuchisa kwavo Pastor Evan Mawarire pamhosva yavari kuvapomera yekuda kupidigura hurumende.

Hurumende yakadaidza mapurisa manomwe sezvapupu munyaya iyi.

Mumwe wacho, Chief Inspector Martin Runganga, vekubazi remapurisa rematikitivha, vakafananidza Pastor Mawarire nechikwata chinopfurikidza mwero chekuNigeria cheBoko Haram vachiti vanoparidza shoko reruvengo nekupandukira hurumende.

Asi gweta raVaMawarire, VaHarrison Nkomo, vanoti hurumende yakundikana kupa humbowo hwezvese zvairi kupomera VaMawarire, nekudaro, mhosva yavo inofanira kuraswa.

Pachapinda nyaya iyi mudare musi 19 Gumiguru, VaNkomo vanoti vachasvitsa chikumbiro chekuti nyaya iyi iraswe sezvo hurumende yakundikana kuroverera VaMawarire nemhosva.

VaMawarire vanonzi vaikurudzira vanhu kuti varatidzire gore rapera uye vakabatwa nemhosva iyi vanogona kugara mujeri kwemakore makumi maviri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG