Dare rapamusoro reHigh Court ratura mutongo wekuti Mufundisi Evan Mawarire, avo vanga vachipomerwa mhosva yekuda kupidgura hurumende yevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kubudikidza nekuratidzira kwakaitika gore rapera, havana mhosva.
Mutongi wedare repamusoro, Muzvare Priscilla Chigumba, vatura mutongo wekuti VaMawarire havana mhosva yavakapara nokudaro vave munhu akasununguka.
Muzvare Chigumba vati hapana humbowo hwakajeka hwakasvitswa kudare nemagweta ehurumende pamwe nevafakazi panyaya iyi hunoratidza kuti VaMawarire vakakurudzira vanhu kuti vabvise hurumende yaVaMugabe pachigaro vachiti mavhidhiyo ose akaratidzwa dare anoratidza kuti VaMawarire vakurudzira veruzhinji kuratidzira murunyararo vachiti izvi zvinobvumidzwa nebumbiro remitemo yenyika.
Mutongi atiwo hapana humbowo hunoratidza kuti vanhu vakaita zvemhirizhonga pakuratidzirwa kwakaitwa kwemazuva maviri gore rapera kwaidaizwa kuti Shutdown Zimbabwe vakanga vakurudzirwa naVaMawarire kuti vaite mhirizhonga iyi.
Gweta raVaMawarire, VaHarrison Nkomo, vanoti vafara nemutongo waturwa nedare.
VaMawarire vanoti havafainira kunge vakatombomiswa mudare kubva pekutanga.
VaMawarire vakasungwa gore rapera mushure mekuratidzira kwakatambirwa nevanhu vakawanda kusanganisira chikwata che Tajamuka.
Zvichakadai, dare repamusoro rakatarisirwawo kutura mutongo nhasi wekuti ma aliens obvumirwa kunyoresa kuvhota here musarudzo dzegore rinouya kana kuti kwete.
Facebook Forum