Accessibility links

Breaking News

Meya weHarare Anoti Anonzwisisa Zvichemo zveVagari paMari Iri Kushandiswa neHarare City


Ronald Chitiyo
Ronald Chitiyo

Meya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni vanoti vanonzwisisa kugunun’una kuri kuita rimwe sangano revagari vemuHarare riri kuti harisi kufara nemari iri kushandiswa nechikwata chedhorobha chenhabvu cheHarare City.

Sangano reCombined Harare Residets Association kana kuti CHRA rakanyora tsamba yenyunyuto kukanzuru richiti harisi kufara nemari iri kushandiswa nechikwata ichi icho chinonzi chakaenda kumutambo wacho weConfederation of African Football kana kuti CAF Cup kuMadagascar nevanhu vanosvika makumi mana nevatatu.

Chikwata cheHarare City chakasimuka munyika nemusi weChitatu chakananga kumutambo wacho wechipiri. Chikwata ichi chakakunda chikwata che As Adema chekuMadagascar 3-2 mumutambo wekutanga kuRufaro Stadium.

CHRA inoti zviri kuitwa neHarare City zvekuenda nevanhu vakawandisa kwete makumi maviri nevashanu zvinoitwa nezvimwe zvikwata zvenhabvu kutambisa mari iro guta riri kutadzisa kuzadzikisa zvinodiwa nevagari kusanganisa mvura, kutakura marara nemishonga mumakirinika ekanzuru.

VaManyenyeni vati mune remangwana vachatarisisa nyaya dzemari dzinoshandiswa pamitambo yakadai. Vaudzawo Studio 7 kuti zviri kuitwa neguta reHarare zvekuva nechikwata chenhabvu zvinoitwawo nemaguta akawanda.

Sachigaro weCHRA VaSimbarashe Moyo vati zvichemo zvavo zvikasatambirwa nekuzadzikiswa vanogona kuenda kumatare nekuti makanzura haangaite madiro aJojina nemari dzevagari.

XS
SM
MD
LG