Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheMandela Washington Fellowship Chotuimira Vamwe Vechidiki vekuAfrica kuAmerica


Bazi rehurumende yeAmerica reState Department richishanda nesangano re International Research & Exchanges Board kana kuti IREX abatana zvekare muhurongwa hwekuunza vechidiki kubva kunyika dzemuAfrica kuAmerica pasi pechirongwa cheMandela Washington Fellowship for Young African Leaders.

Chirongwa ichi chakanangana nekudyidzana pakati peAmerica neAfrica. Chirongwa chegore rino chakatanga musi wa 20 Chikumi uye vechidiki kubva kuAfrica vakatanga nekuenda kuzvikoro zvepamusoro.

Mugore rino vanhu vanosvika zviuru zvitatu nematanhatu zvakanyora kuti zviwane mukana wekupinda muhurongwa uhu asi vanhu mazana masere ndivo vakabudirira.

VaKelvin Mutize avo vakambopinda muchirongwa ichi muna 2015 vanoti chakavabatsira zvikuru nedzidzo uye kuumba hukama nevanokwanisa kubatsira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG