Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopemberera Zuva reKuwana Kuzvitonga Kuzere


Zimbabwe nhasi iri kupemberera kusvitsa makore makumi matatu nemasere yawana kuzvitonga kubva kuhutongi hwehudzvanyiriri hweBritain, uyewo kanove kekutanga kucherechedza zuva iri pasina vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakabviswa pachigaro naVaEmmerson Mnangagwa, vachibatsirwa nemauto.

Mumwe wevakarwa hondo yerusununguko, VaBernard Manyadza, avo vaizivikanwa muhondo nerekuti Parker Chipoyera, vanoti kunyange hazvo pave hurumende itsva yaVaMnangagwa, kana chete pasina hutongo hwejekerere hazvina zvavinobatsira kucherechedza kuzvitonga kuzere.

VaManyadza, avo vanoti havasi kuzodzokera kuZanu-PF sezvo vari kudivi revanhu vazhinji, vanoti vakarwa hondo yerusununguko havana zvari kuwana zvinovagutsa, zvikuru munguva yehurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG