Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kuvandudza Mamwe Makambani Ayo


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vazivisa kuti hurumende yave kuvandudza mashandiro emakambani ehurumende kana kuti parastatals uye kutengesa mamwe.

Makambani akaita seCold Storage Commission Company, Grain Marketing Board neNational Railways of Zimbabwe achapihwa mari, asi mabhodhi e Zimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company, Zimbabwe Power Company neZESA achibatanidzwa.

Makambani akaita sePetrotrade, ZUPCO, POSB nemamwe achabvumnidzwa kuti ashande nevamwe vanokwanisa kutenga zvikamu zvehupfumi mumakambani aya.

Potraz neBroadcasting Authority of Zimbabwe makambani anoona nezvekutepfenyura achabatanidzwa zvimwe chetezvo neZimtrade, Zimbabwe Investment Authority neSpecial Economic Zones Authority achabatanidzwa.

VaChinamasa vakaudza vatori venhau muHarare nemusi weChishanu kuti dare remakurukota rakatowirirana kare nedanho iri uye makurukota achapihwa mazuva zana ekuuya nemazano ekuti makambani ari pasi pavo achavandudzwa sei kana kutengeswa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzave nemakore dzichiti makambani aya anofanira kutengeswa nekuti ari kupa kuti chikwereti chehurumende chikure nekuti haana kana kobiri raari kuunza kuhurumende.

Mutevedzeri wegurukota rezvemari, VaTerrence Mukupe, vanoti hurumende yave kuda kuvandudza nyaya dzezvehupfumi nekudaro hapana chekuchengetera makambani asiri kushanda zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG