Accessibility links

Breaking News

Kugadzirwa kweMugwagwa weBeitbridge-Chirundu Kwokonzera Mutauro


Beitbridge Border Post
Beitbridge Border Post

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa vari kuChina svondo rapera kuti hurumende yainge yakanzura chibvumirano chayainge yaita nekambani yeGeiger Internationsl ine muzinda kuAustria ichishandawo nekambani yeChina Harbour Engineering Company chekugadzira mugwagwa wakakosha we Beitbridge-Harare-Chirundu.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzakawanda dzinoti zviri kuitika zvinoratidza kusajeka kwezvinoitwa nehurumende panyaya dzezvibvumirano zvinozopawo kuti paitwe huori.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinotenderana kuti mugwagwa weBeitbridge-Harare-Chirundu wakakosha zvikuru munyaya dzezvehupfumi uye kumhuri yeZimbabwe inofamba nemugwagwa uyu nguva zhinji.

Asi mugwagwa uyu wave mazivandadzoka sezvo usina kumira zvakanaka uye wadeura ropa rakawanda.

Makore maviri apfuura hurumende yakanyorerana pasi chibvumirano neGeiger asi kunyangwe hazvo gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, vakamboti mugwagwa wave kugadzirwa, hapana chakabuda.

VaGumbo vanonzi nemamwe mapepa vakati kambani iyi yainge isina kutorerwa basa asi kuti yainge yapihwa mazuva makumi matanhatu.

Asi VaMnangagwa vakati dare ravo remakurukota rainge ratenderana kuti vatsvage vamwe vanoita basa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti hurumende kana ichipinda muzvibvumirano zvakadai inofanira kufamba nenyanzvi dzemandorokwati.

Ko dare reparamende harifanire here kunge richionawo kuti zvibvumirano zvakadai zvaitwa nemazvo?

Vanokokera bato reMDC-T mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vanoti hurumende inongoita zvezanondega.

Mutevedzeri wegurukota rezvemari, VaTerrence Mukupe, vanoti apa pakakanganiswa vachishora hurumende yaitungamirwa naVaRobert Mugabe.

Asi pane zvasiyana herepane zvaiitwa nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nezviri kuitwa naVaMnangagwa?

Nyazvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti Zimbabwe ikanonoka kugadzira mugwagwa uyu icharasikirwa nemari yakawanda sezvo vakawanda vanenge voshandisa zambuko reKazungula riri pamuganhu weZambia, Namibia, Zimbabwe neBotswana.

Mugwagwa weBeitbridge wakavakwa makore makumi mashanu apfuura uye waifanira kugadzirwa kwapera makore makumi maviri.

Mugwagwa uyu wakambopihwa kambani yeZimHighways muna 2003 asi hapana chakabuda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG