Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika nebudiriro musangano reEuropean Union VaNeven Mimica vakashanyira Zimbabwe nemusi weMuvhuro vakaita musangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemamwe makurukota avo.
VaMimica vakasimbaradza nyaya yekuti kudyidzana pakati peZimbabwe neEU kuchasimbaradzwa chete kana Zimbabwe yaita sarudzo dzakachena gore rino.
Vamwe vakapinda mumusangano uyu vanosanganisa mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika Retired General Constantino Chiwenga, vakamirira gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSimon Khaya Moyo, uye chipangamazano chavamnangagwa VaChris Mutsvangwa.
VaMimica ndiye munhu mukuru mukuru muEU kutanga kushanyira Zimbabwe kubva zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende zvirango muna 2002.
Vatiwo pane chimwe chikwata kubva kuEU chichange chiri munyika munguva pfupi inotevera.
VaMimica vanotiwo EU ichabatsira Zimbabwe munyaya dzezvehutano nebudiriro nemari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemasere ekuAmerica.
Nyanzvi munezvematongerwo enyika vachidzidzisa paArmhest College ku Massachussets muAmerica, Doctor Chipo Dendere vanoti kudidzana kweZimbabwe neEU kwakakosha zvikuru.
Facebook Forum