Accessibility links

Breaking News

Kudzoka kwaEpoupa Kwotarisirwa Kubatsira Dynamos


Kusawirirana pakati pemutambi Christian Ntouba Joel Epoupa nechikwata chake cheDynamos kunonzi nevakawanda kwave kupa kuti chikwata ichi chirambe chichitatarika mumakwikwi eCastle Premier Soccer League. Asi ikozvino ave kutarisirwa kudzoka kuzotambira chikwata ichi.

Nemusi weSvondo, kambani iri kutsigira Dynamos yeNetOne nevakuru vechikwata ichi vakazivisa kuti Epoupa uyo ange ari kuramba kutambira chikwata ichi achiti haana kupihwa mari dzake ainge apihwa zvekuti vari kushamisika kuti sei asiri kutamba nhabvu.

Asi pamusangano uyu, Epoupa namaneja wake Gilbert Sengwe havana kuuya zvopa kuti zvinetse kunzwisisa kuti chii chiri kunetsa.

Apo kunetsana uku kuri kuenderera ,mberi, chikwata cheDynamos chave pachinzvimbo chechipiri kubva pasi pasi mushure mekufamba ndokunoita mangange neZPC Kariba iyo iri pasi pasi pegungano rezvikwata gumi nezvisere reCastle Lager Premier Soccer League.

Dynamos yakaita 0-0 neZPC izvo zvavasiya vaine mapoindi maviri chete kubva mumitambo mishanu uyezve vanwisa zvibodzwa zvitatu chete ivo vakakandwa zvibodzwa zvitanhatu.

Mumwe mutsigiri wechikwata ichi VaMichael Bundo vanoti vari kurwadzikana zvikuru nekutadza kurova ZPC Kariba iyo ine poindi imwe chete chete mugungano rePremier Soccer League iri.

VaBundo vanoti murairidzi wavo Lloyd Mutasa anofanira kugadzirisa chikwata ichi nechimbi chimbi kana achida kubatana nezvikwata zviri pamusoro soro.

Mumusha weDembare uyu matove nemutauro vamwe vatsigiri vechikwata ichi vachishevedzera kuti Mutasa anofanira kusiiswa basa.

Mutasa wacho anoti kana vatungamiri veDynamos vafunga kuti nguva yake yakwana anozvipira kupa vamwe varairidzi mukana.

Asi mumusha weNgezi Platinum Stars hamuna matambudziko kunge ane Dembare mushure mekunge Madamburo yarova Chicken Inn 1-0 ndokuramba iri pamusoro pehurongwa hweCastle Lager Premier Soccer League.

Uyu wave mutambo wechishanu Ngezi Platinum Stars ichikunda mumitambo mishanu yatambwa parizvino mugungano renhabvu yepamusoro iri.

Murairidzi weNgezi Platinum Stars Tonderai Ndiraya anoti chikwata chake chaive chakasimba panzvimbo dzose uye kurova kwavo Chicken Inn iyo yakambotora mukombe weligi uyu muna 2015 munongedzo wekuti chikwata chavo chakasimba.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi…

Chapungu 0 FC Platinum 2

Highlanders 1 Nitchrut . 0

Caps United 2 Herentals 0

Harare City 2 Bulawayo Chiefs 0

Yadah 1 Triangle 2

Bulawayo City 0 Black Rhinos 1

Shabanie Mine 1 Mutare City Rovers. 1

Zvikwata zvina zviri pamusoro soro ikozvino ndeizvi..

Ngezi Platinum Stars 15 points

FC Platinum 13 points

Highlanders 13 points

Chicken Inn 10 points

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi…

Chapungu 4 points

Herentals College 4 points

Dynamos 2 points

ZPC Kariba 1 point.

Zvichakadaro, chikwata chenyika chevanhukadzi chemaMighty Warriors chakadambura Namibia 2-0 mumutambo we 2018 Africa Women’s Championships muRufaro Stadium nezuro.

MaMighty Warriors ari kuenderera mberi nemakundano aya 4-0 mushure mekurova chikwata chimwe chetecho 2-0 muWiendhoek, svondo rapera.

Mitambo yeEnglish Premiership yakapera seizvi….

Man City 2 Man U 3

Arsenal 3 Southampton 2

Watford 1 Burnley 2

Brighton 1 Huddersfield 1

Bournemouth 2 Crystal Palace 2

Leicester 1 Newcastle 2

West Brom 1 Swansea 1

Stoke 1 Tottenham 2

Everton 0 Liverpool 0

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG