Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weBotswana VaMasisi Voshanyira Zimbabwe neMuvhuro


Vaimbova mutungamiri weBotswana VaSeretse Ian Khama nemutungamiri mutsva wenyika iyi VaMokgweetsi Masisi.

Mutungamiri mutsva wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi vari kutarisirwa kushanyira Zimbabwe neMuvhuro kuzoita hurukuro nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muBotswana rinoti VaMasisi sezvinoitwa nevatungamiri vatsva veSADC vachatenderera mudunhu vachisangana nevamwe vatungamiri kuti vazivane.

VaMnangangawa naVaMasisi vari kutarisirwa kutaura nyaya dzekudyidzana. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vanoti hukama pakati peZimbabwe neBotswana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG