Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeSenate dzemuAmerica Dzopeta Rwendo kuZimbabwe


Nhengo dzedare reSenate remuAmerica shanu dzange dzichishanya muZimbabwe dzakasimuka munyika nemusi weSvondo dzichidzokera kuWashington DC.

Mutauriri wemuzinda weAmerica muZimbabwe VaDavid McGuire vakaudza Studio 7 kuti nhengo dzeSenate idzi dziri kutarisirwa kusvika muWashington DC neMuvhuro. Nhengo idzi dzakasangana nevatungamiri vehurumende uye vanopikisa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vakasangana nenhengo dzeSenate idzi vachangobva kuChina vakati vanovimba kuti hukama hweZimbabwe neAmerica huchasimbaradzwa.

America yakatemera VaMnangagawa nevamwe vavo zvirango zvekufamba nenyaya yekutonga nedemo.

Asi hurumende inoti yakatamerwa zvirango nekuti yakatora minda kubva kuvachena ichipa vatema.

Nhengo dzeSenate idzi dzakaitawo musangano nevamwe vanopikisa vakaita sevatungamiri veMDC-Alliance vanoti VaNelson Chamisa, VaTendai Biti uye VaWelshman Ncube pamwe nemutungamiri wePeople’s Rainbow Coalition Amai Joice Mujuru.

VaChamisa vakatenda kuti vakaita musangano uyu vakazeya nyaya dzesarudzo, zvirango nezvimwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG