Accessibility links

Breaking News

MaSenator emuAmerica Opinda muZimbabwe Kuzotaura Nyaya yeZvirango neSarudzo


Senator Jeff Flake naVaCory Booker
Senator Jeff Flake naVaCory Booker

Nhengo dzedare reparamende reSenate muAmerica dzinosvika nhanhatu dziri kutarisirwa kupinda munyika nhasi.

Nhengo idzi dziri mukomiti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika uye dzinosanganisa VaJeff Flake vebato remaRepublicans naVaChris Coons vemaDemocrats.

Kunyangwe Zimbabwe yave nehutungamiri hutsva, America inoti haisi kuzobvisa vatungamiti ava pazvirango kusvika munyika maitwa sarudzo dzakachena uye kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.

Mutauriri wemuzinda weAmerica muZimbabwe VaDavid McGuire vatenda kuti nhengo idzi dziri kusvika muZimbabwe kuzotaura nevakuru vehurumende, vanopikisa uye vemasangano akazvimirira.

Sachigaro wekomiti yedare reparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaKindness Paradza vanoti vanoda kuudza maSenator aya kuti abvise zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG