Accessibility links

Breaking News

VaMakamba, VaChiyangwa, VaMatemadanda naVaSibusiso Moyo Vopinda Musarudzo dzeZanu-PF


VaPhillip Chiyangwa

Nhasi bato reZanu-PF riri kupeta chirongwa chekutambira mapepa evanhu vanoda kukwikwidza musarudzo dzemaprimary ebato iri.

Sarudzo idzi dziri kuitwa musi wa5 Chivabvu uye vanhu vanoda kukwikwidza vakatotanga kuendesa mapepa avo.

Vamwe vari kukwikwidza musarudzo igurukota rezvekudyidzana nedzinwe nyika, Lieutenant-General Sibusiso Moyo vari kukwikwidza musarudzo dzesenate kuMberengwa, gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo vari kukwikwidza kuRedcliff. Mutungamiri weZIFA VaPhilip Chiyangwa vari kuda kukwikwidza kuZvimba South.

Mutevedzeri wemutungamiri weZIFA VaOmega Sibanda vari kukwikwidza kuVhungu, VaVictor Matemadanda vachikwikwidza kuGokwe Central.

Vamwe vari kuda kukwikwidza vanosanganisa muzvinabhizimisi Vajames Makamba, vatori venhau veZBC VaAndrew Neshaba naVaTendai Munengwa, VaGarikai Mazara uye VaWebster Mubaiwa.

Zvichakadaro, gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti dare reparamende harifanire kuenda kuzororo kusvika razeya zvizere bhiri rekuvandudza mutemo wesarudzo kana kuti Electoral Amendment Bill.

Mapato anopikisa ari kugunun’una zvikuru achiti hurumende iri kunonoka kuvandudzwa kwemitemo iyi.

Sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa pakati pemwedzi wa31 Chikunguru na31 Nyamavhuvhu gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG