Accessibility links

Breaking News

Mapurisa neMutyairi weKombi Anonzi Aripe Mumwe Mudzimai Akapfurwa Ari Mukombi


Dare raMagistrate kuPlumtree rakapa mutongo wekuti gurukota rezvemukati menyika VaObert Mpofu, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga nemumwe mutyairi wekombi VaMbonisi Mpofu, vabhadhare mumwe mudzimai, Amai Constance Tshuma mari inosvika zviuru zvina kana kuti US$4000 mushure mekunge aremadzwa gumbo nemumwe mupurisa akapfura kombi yaitiza mapurisa muna 2014.

Mejastiriti vekuPlumtree VaTaurai Manuwere vakati Amai Tshuma vabhadharwe mari yekurwadziswa kwavainge vaitwa zvakasiya varemara uye mari yavakaendesa kuchipatara.

Amai Tshuma vaimiririrwa nemagweta esangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Magweta aya anoti achaendesa mapurisa ose anotyora kodzero dzevanhu kuamatare.

Mavhiki mashoma apfuura magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights akamiririrawo Muzvare Cynthia Manjoro avo vakagariswa mutirongo vachipomerwa mhosva yenhema. Mapurisa akanzi aripe mari inosvika zviuru gumi nezvinomwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG