Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Pasi Rose Vochema Amai Winnie Mandela seGamba reRusununguko


VaNelson Mandela naAmai Winnie Mandela
VaNelson Mandela naAmai Winnie Mandela

Vanhu vakawanda pasi rose vari kubatana neSouth Africa mukuchema gamba rekurwisa hutongo hwehudzvanyiriri nerusaruraganda kana kuti apartheid Amai Winnie Madikizela Mandela avo vakashaya nezuro masikati muchipatara cheNetcare Milpark Hospital muJohannesburg.

Amai Winnie Mandela vaive mudzimai wemutungamiri mutema weSouth Africa wekutanga, muchakabvu Nelson Mandela.

Winnie Madikizela Mandela
Winnie Madikizela Mandela

Hama yaAmai Mandela, VaVictor Dlamini vanoti vainge varwara kwenguva yakareba uye vange vachipinda nekubuda muchipatara.

Pakabuda shoko rekuti vainge vashaya zviuru nezviuru zvevanhu zvakabva zvaenda kunoungana pamba pavo muSoweto kusanganisawo mutungamiriri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa avo vakati pasi rose rarasikirwa negamba.

Zvizvara zve Zimbabwe zviri muSouth Africa, zvarumbidza Amai Mandela nekurwa zvakasimba kuti nyika yeSouth Africa isununguke. Mumwe atenda mabasa aAmai Mandela ndiVaEdwin Chitita,

Mashoko aya atsinhirwawo naVaVasco Chitiyo avo vanoti hugamba hwaAmai Winnie Mandela hunocherechedzwa pasi rose kwete muSouth Africa chete.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Dr Chipo Dendere avo vari muAmerica vanotiwo vanasikana vakawanda nemadzimai vaiona Amai Mandela segamba chairo rakazarura nzira munyaya yekurwira kodzero dzavo.

Mashoko aya atsinhirwawo neimwe nyazvi munyaya dzezvematongerwo enyika iri kuNorway, Dr Victor Chimhutu.

Vaive mumwe wevatungamiri wevadzidzi paUniversity of Zimbabwe avo vari muFlorida muAmerica VaPromise Sande vanotiwo Amai Winnie Mandela vaivapa hushingi hwekurwira kodzero dzevadzidzi.

VaNelson Mandela naAmai Winnie Mandela, Geneva June 8, 1990. REUTERS/Mike Marucci - RTR1L82T
VaNelson Mandela naAmai Winnie Mandela, Geneva June 8, 1990. REUTERS/Mike Marucci - RTR1L82T

Amai Mandela vakaberekwa mugore ra1936 kuEastern Cape iyo yainzi Transkei. Vaishanda basa rekubatsira vanhu kana kuti social work apo vakasangana naVaMandela.

Nyaya yavo yekurwira kodzero dzevatema yakapa kuti vambosungwe kakawanda vasati vanzi vasabude mumba mavo mudhorobha reBrandfort yainzi Orange State.

Amai Winnie Mandela vakaroorana naVaMandela kwemakore makumi matatu nemasere, asi nguva zhinji vainge vasiri vose sezvo VaMandela vaiinge vari mujeri. Vakazorambana zviri pamutemo muna 1996.

Amai Madikizela Mandela vanotarisirwa kuradzikwa svondo rinouya, musi wa 14 Kubvumbi.

Pari kutarisirwa kuti pachaitwa minamato nenyaradzo kunzvimbo dzakasiyana siyana. Hurumende yeSouth Africa inoti ichabatsira pakuradzikwa kwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG