WASHINGTON —
Vari kukwikwidza musarudzo dzenhengo yedare reparamende vakazvimirira mudunhu reHarare Central Muzvare Linda Masarira vanoti nzvimbo iyi yakatarisana nematambudziko makukutu anotoda kushinga kuti agadziriswe.
Izvi vanoti ndezvimwe zviri kuvapa chidokwa dokwa chekuti vakwikwidze musarudzo dzegore rino.
Muzvare Masarira vanova murwiri wekodzero dzevanhu vanoti matambudziko ari munharaunda mavo anosanganisa kushaya mvura, mabhuku uye kushaikwa kwemabasa kwopa kuti vechidiki vashandise zvinodhaka.
Facebook Forum