Amai Grace Mugabe, mudzimai wevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakaendeswa kumatare nemumwe mushandi wavo aive mutyairi VaColumbus Madzinga avo vakadzingwa basa pachikoro chavo cheAmai Mugabe Junior School kuMazowe.
VaMadzinga vanoti vaishandiswa nguva yakareba vasingabhadharwe kunova kutyora mutemo wevashandi. Nyaya iyi yakamboda kuzeyiwa kudare rekuyananisa vashandi nevashandirwi asi magweta aAmai Mugabe haana kuuya kudare.
Kubva zvabviswa VaMugabe pachigaro, zvinhu hazvina kumira zvakanaka kumhuri yavo sezvo vhiki rapera vamwe vanokorokoza goridhe vanonzi vainge vari papurazi ravo kuMazowe vachichera goridhe zvisiri pamutemo.
Amai Mugabe vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa asi hurumende inoti nyaya yavo ndeyemugotsi matsuro.
Facebook Forum