Accessibility links

Breaking News

Ambassador Thomas Vanoti Kugadzirisa Hupfumi hweZimbabwe Kuchanetsa


Ambassador Harry Thomas Jnr
Ambassador Harry Thomas Jnr

Vaimbova mumiriri weAmerica muZimbabwe Ambassador, Harry Thomas Junior, avo vasiya basa zviri pamutemo neChishanu, vachiyambira Zimbabwe kuti inofanira kusunga dzisimbe kana ichida kugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Vachitaura mushure mekusiya basa vachienda pamudyandigere muWashington DC, Ambassador Thomas vati hupfumi hweZimbabwe hwakanyanya kuurayiwa nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vati kuti hupfumi uhu hugadziriswe zvinotoda kuti nyika isunge dzisimbe.

Ambassador Thomas vatiwo kuti Zimbabwe ibudirire, inofanirwa kubhadhara zvikwereti zvayo zvose kuitira kuti itangewo kukwereteswa mari nemasangano akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank.

Asi vati kuita izvi kunoda kuzvipira kwakanyanya.

Vatiwo kuti Zimbabwe ive nyika yakabudirira, inofanirwa kurwisa zvakasimba nyaya dzehuori uho vati hunokanganisa zvikuru nyaya dzebudiriro.

Vapa muyenzaniso wenyika dzakaita seRwanda nedzimwe dzekumawirira dzakakwinisa kugadzirisa hupfumi nekurwisa huori.

Zimbabwe inonzi iri pakati penyika dzine huori hunotyisa pasi rose. Sangano reTransparency International rinoti Zimbabwe iri pachidanho chezana nemakumi mashanu nemanomwe panyika zana nemakumi masere dzakaongororwa.

Nemusi weChina Zimbabwe yakati yainge yaumba matare anoona nezvenyaya dzehuori muHarare neBulawayo.

Gurujota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti matare aya achabatsira nyaya dzehuori chete.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG