Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vopeta Musangano kuIvory Coast, Votarisirwa Kuenda kuChina


Mutungamiri weChina VaXi Jinping
Mutungamiri weChina VaXi Jinping

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weChipiri vakaita musangano nemutungamiri wenyika yeIvory Coast VaAlassane Quattara kumucheto wemusangano wevakuru vemabhizimisi muAfrica.

Vachitauta nevatori venhau pakapera musangano uyu, VaMnangagwa vakati vatungamiri venyika dzemuAfrica vanofanira kusimbisa nyaya dzezvehupfumi kwete zvematongero enyika.z

Vachibva kuIvory Coast, VaMnangagwa vari kutarisirwawo kuenda kuChina musi wa 2 Kubvumbi kusvika 6 Kubvumbi kumusangano nemutungamiri wenyika iyi VaXi Jinping. Zimbabwe inodyidzana zvakasimba neChina.

Asi kumisangano yavari kuita kuIvory Coast, VaMnangagwa vari kutaurawo nevakuru kubva kusangano reEuropean Union uye bhanga reAfrican Development Bank.

VaMnangagwa vakaitawo hurukuro negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muFrance kana kuti Minister of State in the Ministry for Europe and Foreign Affairs, VaJean-Baptiste Lemoyne avo vakati chido chavo kuti vakuru veZimbabwe vabvisirwe zvirango zvavakatemerwa uye kuti Zimbabwe ibatsirwe nenyika dzakabudirira kuti ibude mumadhaka mairi munyaya dzezvehupfumi.

Sachigaro wekomiti yezvekudyidzana nedzimwe nyika mudare reparamende vari nhengo yeZanu-PF VaKindness Paradza vanoti nyika dzakawanda dzave kuda kutanga kudyidzana neZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG