Accessibility links

Breaking News

Mhuri yaVaDzamara neSangano reCrisis In Zimbabwe Coalition Voshamisika NeKutsvagwa Kwavo Kwapera Makore Matatu


Amai Sheffra Dzamara, mudzimai waVaItai Dzamara kuruboshwe.
Amai Sheffra Dzamara, mudzimai waVaItai Dzamara kuruboshwe.

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti rakatyamadzwa zvikuru nemashoko emapurisa ekuti vave kuda kutanga kutsvaga kwakaenda murwiri wekodzero dzevanhu VaItai Dzamara vakatsakatika makore matatu apfuura.

Crisis in Zimbabwe Coalition yaburitsa mashoko kuvatori venhau ichitiwo hurumende inofanira kuumba komiti inoongororara nyaya yekutsakatika kwemurwiri wekodzero dzevanhu VaItai Dzamara makore matatu apfuura kana kuti public inquest.

Sangano iri ratiwo veZimbabwe Human Rights Commission nematare vanofanira kubatsira mukutsvagwa kwaDzamara vachipotawo vachisuma dare reparamende nezvinenge zvichiitika.

Mapurisa akazivisa nemusi weMuvhuro kuti ave kutanga kutsvaga VaDzamara. Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vati vange vari mumusangano nekudaro vange vasingakwanise kutaura.

Asi mukoma waVaDzamara, Doctor Patson Dzamara vanoti naivo vari kushamisika nezvekataurwa nemapurisa asi vachiti vanoda kuona muni’n'ina wavo kunyangwe ari mupenyu kana akapondwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG