Masangano anoshanda akazvimirira arumbidza mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekubvuma kuti Zimbabwe icherechedze hwaro hwesarudzo hweAfrican Charter on Democracy, Elections and Governance. Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa muHarare nemusi weChipiri.
Asi masangano aya ari kukurudzira hurumende kuburikidza neparamende kuti itambire mutemo uyu, uye uchiiswa mumitemo yenyika yeZimbabwe.
Mutemo weAfrican Charter on Democracy, Elections and Governance ndomutemo wekutanga wakaumbwa nenyika dziri muAfrican Union unoburitsa pachena kuti kuvandudza bumbiro remutemo renyika zvisiri zvejekerere kunoita kuti hurumende isave isiri pamutemo.
Masangano akazvimiririra aya anoti vane tarisiro yekuti hurumende yaVaMnangagwa ikaisa mutemo uyu mumitemo yenyika zvinobatsira kuti Zimbabwe iyo yakatarisana nesarudzo gore rino iite sarudzo dzakachena.
Vachitaura nevatori venhau pamusangano uyu, mukuru weZimbabwe Human Rights Association VaOkay Machisa vati chikuru ndechekuti dare reparamende richibvumira kuti mutemo uyu ushande munyika.
VaMachisa vatiwo hapana chinokonesa hurumende yeZimbabwe kuti iise mutemo uyu mumitemo yenyika sarudzo dzisati dzaitwa vakati chinongodiwa chete chido kubva kune vari munezvematongwerwo enyika.
Vachitaura pamusangano mumwewo, mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu munyika reZimbabwe Human Rights NGO Forum, Amai Blessing Gorejena vati Zimbabwe ine katsika kekubvuma zvibvumirano nedzimwe nyika asi isingazozviisi mumutemo sezvinotarisirwa nebumbiro remutemo yenyika. Amai Gorejena vati vanotarisira kuti hurumende yaVaMnangagwa isiyane nehunhu uhwu.
Izvi zvatsigirwawo naVaTabani Moyo, mukuru weZimbabwe Media Institute of Southern Africa Zimbabwe avo vati zvibvumirano zvizhinji zvinobvumwa neZimbabwe asi dare reParamende rorega kuzvitambira kana kuiswa mumutemo.
VaMnangagwa vakatambira chibvumirano ichi musi wa21 Kurume pavaive vaenda kumusangano weAfrica Union Extraordinary Summit wakaitirwa kuKigali kuRwanda. Nyika dzemuAfrica dzakabvumirana mutemo uyu muna 2007.
Facebook Forum