Accessibility links

Breaking News

Muzvare Yvonne Musarurwa Vobuda muHusungwa Asi Vachishushikana neKushaya kwaVaTsvangirai


Muzvare Yvonne Musarurwa.
Muzvare Yvonne Musarurwa.

Muzvare Yvonne Musarurwa vanove nhengo yeMDC-T vari pakati pevanhu zviuru zvitatu vakaburitswa muhusungwa mushure mekuregererwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro.

Vachitaura kumuzinda webato ravo reMorgan Tsvangirai House muHarare, Muzvare Musarurwa vakati vari kushushikana zvikuru kuti VaTsvangirai vakashaya ivo vari muhusungwa kuChikurubi. Vanoti chaiva chishuwo chavo kuti vaone VaTsvangirai vachitungamira nyika yeZimbabwe.

Mashoko aMuzvare Yvonne Musarurwa nezverufu rwaVaTsvangirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vakatiwo zvinhu mumajeri emunyika hazvina kumira zvakanaka sezvo musina chikafu uye magumbeze.

Vakakurudzirawo vechidiki kuti vavewo nechido chekupinda munyaya dzezvematongerwo enyika sezvo remangwana riri mumaoko mavo.

Muna 2016, Muzvare Musarurwa, VaTungamirai Madzokere naVaLast Maengahama vakatongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri nedzimwe vachipomerwa mhosva yekuuraya mumwe mupurisa VaPetros Mutedza kuGleview 3 muHarare muna 2011.

Mumwe aipomerwa mhosva imwe cheteyo Muzvare Rebecca Mafikeni vakashaya ari muhusungwa

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato reMDC-T Muzvare Thabitha Khumalo vati nyaya yekusungwa kwevatatu ava yainge yakanangana nezvematongerwo enyika chete.

Hurukuro naMuzvare Thabitha Khumalo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG