Accessibility links

Breaking News

Mutongi weDare rePamusoro VaMusakwa Voshora Mhirizhonga yezveMatongerwo eNyika


VaJoseph Musakwa nemadzishe
VaJoseph Musakwa nemadzishe

Mutongi wedare repamusoro reHigh Court Justice Joseph Musakwa nemusi weMuvhuro vakakurudzira vemapato ezvematongerwo enyika navose vanoda zvigaro zvacho kuti vasiyane netsika yekuita mhirizhonga panguva yesarudzo idzo dziri kutarisirwa kuitwa mwedzi mishoma inotevera.

Justice Musakwa vakataura mashoko aya nhasi pakuvhurwa kwegore ra2018 mukutongwa kwedzimhosva kuno kwaMutare.

Vakati panguva dzekutsvaga rutsigiro dzimwe nguva panodeuka ropa sezvo vezvematongerwo enyika vachiita mhirizhonga pakutsvaga rutsigiro kuti vakunde musarudzo idzi.

VaMusakwa vati matare anoguma oremerwa nenyaya idzi ukuwo vamwe vachitaura zvengozi.

Justice Musakwa vati nyaya dzekupondwa kwevanhu dziri kuramba dzichikwira uye gore rino kune gumi dzichatongwa muManicaland.

Vati chido chavo kuti Mutare ivewo nemuzinda wedare repamusoro sezvakaitwa kuMasvingo. Vatiwo nyaya dzehuowi idzo vati dzakawandira kumapazi ehurumende dzinofanira kupedzwa.

Mashoko aJustice Musakwa akatambirwa zvakanaka nevemachechi, mapoka emagweta, uye nevashandi vekumatare vachiti vabata zvakakosha zvavanosangana nazvo zuva nezuva.

VaPassmore Nyakureba gweta rinosanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR vanoti vafarira mashoko avo kunyanya panyaya yehuwori hwatsviriridza munyika.

“Ndafara nemashoko aJustice Musakwa kuno kuManicaland apo vati huwori hwanga hwauraya nyika uye nyaya yemhirizhonga dzinosanganisira dzema-elections, zvakare nesanctity of human life saka zvinhu zvitatu izvi ndizvo zvinobata pillar yemessage yavo.” Vatiwo, “Saka ndino kurudzira kuti Judiciary service system yedu inge ichipa rutsigo kucommunity yedu, nekupedza corruption, uye kuvepo kwemaspecial courts ekutonga corruption sezvo iri nyaya yakakosha.”

Mukuru weZimbabwe Law Society VaBlessing Nyamaropa vaudza Studio 7 kuti VaMusakwa vanyatsobata nyaya yekupedzwa kwehuwori munyika. “Justice Musakwa vabata nyaya yecorruption iyo vanoti inokanganisa investment yemunyika.” Vaenderera mberi vachiti vaMusakwa, “Vabatazve nyaya yecorruption mujustice delivery system, vakati justice is for free haifanirwi kutengeswa uye vanhu vanofanirwa kurepota macases ecorruption mujustice system.”

VaDavid Tandiri vanoshanda neTandiri Law Chambers vatiwo mashoko aVaMusakwa ekuti mapurisa awanirwe zvakaringana mukuita basa ravo akakosha mukufambisa nyaya dzekutongwa kwevanhu kumatare edzimhosva.

“Mashoko aturwa navaMusakwa mashoko kwawo apo vataura kuti tichange tave neHigh Court, vatiwo nyaya dzekutorwa kwehumbowo kumapurisa kugadziriswe, uye kuti vawanirwe zvikwaniisiro zvekuti vakwanise kuunganidza humbowo hwose hunodiwa pasinaa zvinetsva kunyanya kunyaya dzekuba vakapfumbata pfuti, dzekubhinya, dzekurwisna nedzimwe.”

Reverand Basil Matikiti vechechi yeAnglican avo vange vari pachiitiko ichi vanoti machechi ane chekuitawo pamusoro pemashoko ataurwa naVaMusakwa kunyanya panyaya yemhirizhonga yavataura.

“Message yange yakamira zvakanaka taiappreciyeta nekuti tave kupinda mumaelections ende apa ndipo vanhu wanotanga kupondana, asi zvawataurawo kudai wanhu tichateerera.”

Sachigaro weZanu-PF mudunhu reManicaland VaMike Madiro vanoti mashoko aJustice Musakwa anosimbaradza mamwe akambotaurwa nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

“Justice Musakwa vakahomedza kukosha kunoita zvinobuda musarudzo yaitwa murunyararo, ichokwadi ichocho, vaMusakwa vange vachitodzokorora zvagara zvichitaurwa naPresident wedu waMnangagwa vari kuti chishuwo chenyika, chishuwo chemhuri yeZimbabwe kuti waite zviro zvawo murunyararo, paitwe sarudzo isina mhirizhonga sarudzo inoti anenge akundwa neahwina vanenge vangori vana veZimbabwe.”

Vakuru vemapazi ehurumende, kuchiuto, mapurisa nemajeri vange vari pachiitiko chanhasi pamwechete negurukota redunhu reManicaland Amai Monica Mtsvangwa.

Madzishe, Zimunya, Mutasa uye Marange vange varipoowo pakuvhurwa kwedare zviri pamutemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG