Accessibility links

Breaking News

Chinyorwa chaAmai Grace Mugabe chePHD Chokonzera Mutauro Wakanyanya


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Munyika muri kuita mutauro wakanyanya kubva University of Zimbabwe zvayaburitsa gwaro rakanyorwa naAmai Grace Mugabe mukuzadzikisa zvidzidzo zvepamusoro soro kana kuti PHD.

Gwaro iri rakanyorwa kunzi the “Changing social structure and functions of the family: the case of children’s homes in Zimbabwe” uye rinotarisa nyaya yematambudziko anotarisana nenherera zvikuruwo kumusha wenherera waAmai Mugabe weMazowe Children’s Home.

Vamwe vanhu vange vachiti pakaitwa chikiribidi kuti Amai Mugabe vanzi vabudirira kuti vanzi Doctor asi vamwe vachitiwo vasingawirirane navo ndivo vari kuti pakaitwa chizikano.

Mumwe mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti PHD thesis iyi haina kunyorwa zvakanaka uye zvimwe zvaingodzurwa painternet. Sangano revadzidzi reZINASU rakatokurudzira kuti Amai Mugabe vaferefetwe.

Doctor Chipo Dendere vanodzidzisa maAmherst College kuMassachusetts muAmerica vanoti semaonero avo zvimwe zviri kushorwa pachinyorwa ichi zvinogona kunge zvakakonzerwa nekomiti yacho yakati vainge vabudirira muzvidzidzo zvavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG