Accessibility links

Breaking News

Mari Yoshomeka Munyika Zvokatyamadza Nyanzvi Dzakawanda


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti nyika yananga kumawere uye zvinogona kukonzera kusagadzikana kwenyika sezvo mari mumabhanga iri kuramba ichishaikwa kunyange hazvo hurumende iri kuti iri kugadzirisa dambudziko iri.

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vakati Zimbabwe yainge yawana mari inosvika mamiriyoni mazana matanhatu emadhora senzira yekugadzirisa dambudziko remari asi vakawanda vanoti zvinhu zvatonyanya kuita manyama amire nerongo.

Kunyange hazvo huremu hwemabond notes hwaderera, vemabhizimisi makuru vanoti vari kumanikidzwa kutengesa zvinhu nemutemo wakafanana pamabond notes nemadhora ekuAmerica.

Mamwe mabhangi akaita seSteward Bank neStandard Bank ange achibvumidza kuti vanhu vatore mari pamaATM cards kana vari kunze kwenyika mumazuva mashoma apfuura, amira kuita izvi achiti mumabhanga hamuchina mari kunyange hazvo vanhu ava vakaisa mari dzavo mumabhanga acho.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vemabhizimisi makuru ndivo vave kunyanya kuomerwa nezvinhu sezvo vachisungwa vakasatevera mitemo yeReserve Bank of Zimbabwe.

Mashoko aya atsinhirwa nemutevedzeri wemutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, avo vati havana zvavangaite kunze kwekutevedzera mutemo.

Vaimbova gurukota rinoona nezvemari, VaTendai Biti, vanoti mari mumabhanga hamuchina sezvo hurumende ichiramba ichikwereta mari kumabhanga isingadzosere.

Nyaya yekushomeka kwemari iyi yakambopawo kuti mafuta ekubikisa ashaikwe munyika. Asi ikozvino mukuru wesangano reOil Expressers Association, VaBusisa Moyo, vanoti zvave nani.

Ko dambudziko iri ringagadziriswe sei chaizvo? VaJokonya vanoti panoda kuti Zimbabwe ikwezve vemabhizimisi vekunze.

VaChitambara vanotiwo aya ndiwo maonero avo.

Nekuona kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi zvainge zvaenda kumawere, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakadoma gurukota idzva rezvemari, VaIgnatius Chombo, vachibvisa VaPatrick Chinamasa.

Asi VaChitambara vanoti havaone VaChombo vachikwanisa kugadzirisa dambudziko iri.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kunetsana mubato reZanu-PF, uye sarudzo dziriko gore rinouya, zviri kupawo kuti zvinhu zvinetse kugadzirisa sezvo pasina ari kunyatsotarisa zvingabatsira nyika.

Kudzamara vakuru muZanu PF nemuhurumende vaisa zvido zvenyika pamberi pezvido zvavo, matambudziko akadai acharamba achiwanda munyika.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG