Accessibility links

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vavandudza dare ravo remakutukota sezvavainge vavimbisa nemusi weMugovera kumusangano wevechidiki vebato ravo reYouth League.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaive zvekare gurukota rezvemitemo, vatorerwa bazi iri rikapihwa VaHappison Bonyongwe, avo vange vari mukuru wevasori.

Asi hapana mashoko anotaura nezvebasa ravo semutevedzeri wemutungamiri wenyika, kunze kwekubviswa kwebazi ravanga vachitungamira.

Vamwe vadomwa vatsva vanosanganisira vanotevera:

Gurukota rezvehupfumi Dr Ignatius Chombo
Gurukota rezvehupfumi Dr Ignatius Chombo

Dr Ignatius Chombo- Gurukota rezvemari (finance)

VaPatrick Chinamasa- Gurukota rezvekusora nyaya dzemashoko epadandemutande (Cyber security)

VaObert Mpofu- Gurukota rezvemukati menyika (Home Affairs)

VaSimbarashe Mumbengegwi- Gurukota rezvegwara rehupfumi (Macro economic planning)

VaPatrick Zhuwao, gurukota rezve vashandi
VaPatrick Zhuwao, gurukota rezve vashandi

VaPatrick Zhuwao- Gurukota rezvevashandi (Labour)

VaEdgar Mbwembwe-Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika.

VaCain Mathema- Gurukota rezvevakarwa hondo (War veterans)

Amai Charity Mabuwa- Gurukota rinoona nezvevechidiki (Youth)

Vachitaura panhepfenyuro yeStudio 7 Live Talk, vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaFarai Maguwu, vati kuvandudzwa kwedare iri kwange kwakanangana nekubvisa vamwe vanodyidzana zvakasimba naVaMnangagwa vanosanganisa VaChinamasa, Amai Prisca Mupfumira, VaChris Mushowe, avo vaendeswa kubazi rezvemabhezari muhofisi yaVaMugabe, vachibviswa kubazi rezvekuburitswa kwemashoko, uye VaTshinga Dube, avo vaive kubazi rezvevakarwa hondo.

Mashoko aya atsinhirwa nemutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas, Mahiya avo vakati zviri pachena kuti VaMugabe havachadi kushanda nevamwe vakarwa hondo yerusununguko.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotiwo hazvina kujeka kuti VaBonyongwe vakasiya riini chigaro chekuva mukuru wesangano revasori reCentral Intelligence Organization.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG