Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanotsika Madziro Vachiti Ichokwadi Kuti Vakaisirwa Muchetura


VaRobert Mugabe, VaPhelekezela Mphoko naVaEmmerson Mnangagwa
Hurukuro naVaMubuso Chinguno naVaGodfrey Gomwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemusi weChina vaudza vatori venhau muHarare kuti vainge vaisirwa muchetura kunyange hazvo vasina kudya ice cream kubva kukambani yeGushungo Holdings inova yemhuri yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vachitaura nevatori venhau vehurumende chete mushure mekudzinga vanoshandira makamabani enahu akazvimirira, VaMnangagwa vati havana kumbobvira varamba kuti vainge vaisirwa muchetura sezvakataurwa panhepfenyuro yeZBC uye zvikazotaurwawo nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko.

VaMnangagwa vati vanachiremba vavo vakavaudza kuti vainge vaisirwa muchetura asi nyaya iyi yainge ichiri kuda kuongororwa.

Vati havo havana kudyira muchetura uyu kuGwanda kumusangano weZanu-PF asi vakazongororwara vaveko.

Vachitaura kunyaradzo yamuchakabvu Shuvai Mahofa nemusi weMugovera, VaMnangagwa vakati vainge vaitwawo zvakaitwa Amai Mahofa kumusangano weZanu-PF wepagore kuVictoria Falls.

Vachitaurawo pamusangano nevechidiki vebato ravo kuHarare International Conference Centre nemusi weChina manheru, Amai Grace Mugabe vashorawo VaMnangagwa zvikuru vachiti vari kuvapumha huroyi.

Amai Mugabe vati VaMnangagwa vaimbenge vati havana kuisirwa muchetura asi iko zvino vave kuimba rwumwe ruye.

Vatiwo VaMnangagwa munhu akangosarudzwawo naVaMugabe kuti avashandire.

Amai Mugabe vatiwo kusina Amai hakuendwe uye VaMnangagwa vainge varasika gwara. Vakayambirawo vanhu vavanoti vanoda kupidigura hurumende havana kwavanosvika bachiti dai VaMugabe vasina moyo munyoro vanga dai vari mumajeri.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti nyaya yekurwira chigaro chaVaMugabe, avo vave nemakore makumi mapfumbamwe nematatu ndiko kwapa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo mubato reZanu-PF.

Mubato iri mune kunetsana kunotyisa pakati pezvikwata zviviri chimwe chinonzi Team Lacoste chinonzi chiri kutungamirwa naVaMnangagwa uye cheGeneration 40 chine vanhu vakaita saVaMphoko, Amai Mugabe, gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Muzvinafundo Jonathan Moyo uye gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramai, nevamwe.

Vaimbova sachigaro weZanu-PF Youth League kuMashonaland West, VaGodfrey Gomwe, vanoti hapana chakaipa kuti VaMnangagwa vadewo kutungamira nyika.

Vati nyakanyaka iri kuitika munyika yakakonzerwa neveG40.

Asi vanotsigira Amai Mugabe kuti vatore chigaro kana vachida kuzokwikwidza mune remangwana, uye vari sachigaro weZanu-PF Youth League kuManicaland, VaMubuso Chinguno, vati vanhu veTeam Lacoste ndivo vari kukonzera nyonga nyonga mubato.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG