Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanodarika Zviuru Makumi Maviri neZvishanu Vonyoresa kuVhota


Amai Rita Makarau
Amai Rita Makarau

Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau, vanoti huwandu hwevanhu vanyoreswa kuvhota kumatunhu akasiyana siyana kubva zvakaparurwa chirongwa chekunyoresa vavhoti muna Gunyana hwapfuura zviuru makumi maviri nezvishanu.

Vatiwo sangano ravo rave mubishi kuunza munyika mimwe michina yose inodiwa kuti vaumbe gwaro idzva revavhoti iri.

NeChipiri svondo rinouya, ZEC inenge yopinda mumatunhu akawanda vachinyoresa vavhoti uye nhasi vaparura hurongwa hwekuzivisa vanhu nezvinenge zvoitwa svondo rinouya.

Amai Makarau vanoti mukati memavhiki maviri vanenge vave nemuchina wekuvheneka minyoro yemimwe kana kuti mafinger prints kuona kuti hapana munhu anoresa kaviri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG