Accessibility links

Breaking News

ZEC Yoronga Kunyoresa Vavhoti Vakawanda Svondo Rinouya


Amai Rita Makarau
Amai Rita Makarau
Hurukuro naAmai Rita Makarau
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro wesangano reZimbabwe Election Commission, ZEC, Amai Rita Makarau, vanoti sangano ravo richatanga kurova ndima zvakasimba richinyoresa vanhu kuti vavhote musi wa 10 Gumiguru svondo rinouya nemusi weChipiri.

Izvi zvinotevera kupinda munyika kwemichina zviuru zviviri nemazana matanhatu kubva kukambani yeLaxston Group yekuChina.

Munyika mange muine mimwe michina mazana mana kubva kukambani iy uye ndiyo iri kushandiswa kunyoresa vanhu kumahofisi eZEC pari zvino.

Pari zvino Amai Makarau vanoti vari mubishi kuona kuti michina mitsva iyi ine zvose zvinodiwa vasati vatanga kunyoresa vanhu zvine mutsindo.

Zimbabwe iri kuita sarudzo gore rinouya uye inenge ichishandisa gwaro idzva revavhoti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG