Accessibility links

MuZanu-PF Moramba Muchikandiranwa Makobvu neMatete

  • Blessing Zulu

FILE - Zimbabwe President Robert Mugabe (L) and his wife Grace look on during the Defense Force's 36th Anniversary celebrations in the capital Harare, Zimbabwe, Aug. 9, 2016.

Kunetsana kunotyisa mubato reZanu-PF kuri kuenderera mberi pachikandiranwa makobvu nematete pakati pezvikwata zviviri zviri kunetsana mubato iri .

Zvikwata izvi zvinoti cheTeam Lacoste chinonzi chinotungamirwa nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa uye cheGeneration 40 chinonzi chave kutsigira gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika VaSydney Sekeramai.

Nezuro mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, avo vanonzi vari kuchikwata cheG40, vakapomera sangano rinorwisa huori reZimbabwe Anti-Corruption Commission kana kuti ZACC mhosva yekushandiswa nevamwe muZanu-PF kushungurudza gurukota rezvedzidzo yepamusoro soro, muzvinafundo Jonathan Moyo pamwe naivo VaMphoko.

VaMoyo vari kupomerwa mhosva yekuita zvehuori apo vanonzi vakaba mari yeZimbabwe Manpower Development Fund kana kuti ZIMDEF. Kunyange hazvo VaMoyo vakamboda kuramba kuti vatongwe uye vachitsigirwa zvakasimba nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, dare reConstitutional Court rakati vanofanira kutongwa.

VaMphoko vakatiwo pane vamwe vari kubuditsa munyika nemukoto zvicherwa zvakaita sechrome, goridhe uye kutengesa mari itsva yemabond notes asi vasiri kusungwa. Imwe nyaya iri kunetsa ndeyekutiwo chikwata cheTeam Lacoste chinonzi chakaenda kunyaradzo yamushakabvu Shuvai Mahofa kwaGutu kuMasvingo chikasakoka veG40.

Bepanhau reNewsday rinoti VaMnangagwa vakaudza vanhu pagungano iri kuti pane vaida kuvaita kafiramberi uye vakatiwo vanhu vakazouya mubato hondo yapera vanonetsa.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCenter for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vanoti nyaya yekunetsana mubato iri yave kukanganisa kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi uho hwaenda kumawere.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG