Accessibility links

Breaking News

Vanochengetedza VaMugabe Vomboramba Kutambira Masamanisi eMDC paNyaya yeGwaro reVavhoti


VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe
VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe

Hofisi yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi weChitatu neChina yange ichimboramba kutambira mapepa kubva kuzvikonzi zvedare panyaya yakakwidzwa kudare repamusoro reHigh Court nebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Bato iri rakakwira dare richiti VaMugabe vari kutyora mutemo nekutara mazuva ekuti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, inyorese vanhu kuvhota iyo isina kugadzirira zvakakwana.

Vane ruzivo nezviri kuitika muhurumende vaudza Studio 7 kuti kunyangwe hazvo sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, vainge vari ivo vakanyora tsamba vachizivisa VaMugabe nezvekukosha kwekutara mazuva ekuvhota sezviri mumutemo wesarudzo, VaMugabe vakazongotara mazuva aya vasina kunzwa kubva kuZEC kuti inenge yagadzirira riini sezvo michina yekunyoresa vanhu kuvhota inosvika zviuru zviviri nemazana matanhatu isati yapinda munyika.

Imwe nyaya iri kugunun’unwa nevanopikisa ndeyekuti kunyange gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaIgnatious Chombo, vakati vanhu vapihwewo zvitupa pachena kwemazuva makumi mapfumbamwe, hofisi yamabharani mukuru wehurumende, VaTobaiwa Mudede, inonzi haisi kutevedzera kurudziro iyi.

Vanhuwo zvavo munyika vari kutaura neStudio 7 vanotiwo nyaya yekunyoresa kuvhota haina kujeka.

Sachigaro weZanu-PF kuUK Province, VaNick Mangwana, vanoti vanopikisa vane kodzero yekuenda kumatare asi kazhinji havadi kukundwa musarudzo.

Asi munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti vanoda sarudzo dzakachena.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG