Accessibility links

VaMugabe Vodoma Ray Goba Kuti Vatore Chigaro Chekuva Muchuchusi weNyika

  • Blessing Zulu

VaJohannes Tomana

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasarudza vakafanobata chigaro chemuchuchusi mukuru wenyika VaRay Goba kuti vatore chigaro chakasiiwa naVaJohannes Tomana ichi.

Izvi zvinotevera bvunzurudzo yakaitwa vanhu vaida basa iri nesangano reJudiciary Services Commission mwedzi wapera.

VaGoba vari kutora basa rakasiiwa naVaJohannes Tomana avo vakadzingwa basa vachipomerwa mhosva dzehuwori nedzimwe.

Mashoko aya aburitswa mugwaro rehurumende regovernment gazette nemunyori mukuru wematare Doctor Misheck Sibanda. VaGoba vanzi vabva vatotanga basa iko zvino.

Vamwe vange vachida basa iri vanosanganisa magweta akaita saVaCharles Chinyama, VaMisheck Hogwe, VaWilson Manase, Amai Tecler Mapota, VaPeter Mafunda uye Amai Florence Ziyambi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG