Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya nezveZuva reSarudzo dza2018


Zimbabwe Elections
Zimbabwe Elections

Sarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika, nenhengo dzeparamende pamwe
nemakanzura idzo dzinofanirwa kuitwa pamwechete gore rinouya, 2018, dzinotarisirwa kuitwa mazuva ari pakati pekupera kwemwedzi waChikunguru kusvika pakati pemwedzi waNyamavhuvhu zvichienderana nebumbiro remitemo idzva.

Izvi zvinopesana nemashoko emutevedzeri wasachigaro weZimbabwe Election Commission (ZEC) ekuti sarudzo dzinoitwa pakati pemwedzi waChikumi naNyamavhuvhu.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemoGweta Muzvinafundo VaLovemore Madhuku vanoti
kana hupenyu hweparamende hukasadimburirwa panzira sezvinotarisirwa sarudzo dzinofanirwa kuitwa mukati memwedzi wekupedzisira hupenyu hweparamende iripo husati hwapera.

Hupenyu hweparamende iripo hunoguma pakati pehusiku hwemusiwa 22
Nyamavhuvhu nokudaro mazuva makumi matatu ekupedzisira anotanga musiwa
24 Chikunguru.
Izvi zvinoreva kuti sarudzo dzegore rinouya dzinoitwa pakati pemazuva
ekubva musiwa 24 Chikunguru kusvika musi wa22 Nyamavhuvhu.

Muzvinafundo Madhuku vanotiwo sarudzo idzi dzinogona kuitwawo nguva
ipi zvayo kana hupenyu hweparamende iripo hwagurirwa panzira
nezvikonzero zvakasiyana zviri mubumbiro remitemo.

Kana hupenyu hwehurumende hwagurirwa panzira zvinofanira kutora mwedzi
mitatu kuti sarudzo dziitwe.

Hupenyu hweparamende hunogona kugurirwa panzira nemukuru wenyika
nekuda kwezvinhu zvitatu zvinoti kana dzimba dzeparamende dzose
yepamusoro nepazasi dzakazvimiririra dzapasisa chisungo chakuti
dzisavepo, uyezve kana paramende yaramba kupasisa bhajeti renyika
pasina zvikonzero zvakati tsvikiti pamwe nekunge paramende yawirirana
kuti haichina chivimbo nehurumende, vote of no confidence.

Mutevedzeri wasachigaro weZEC VaEmmanuel Magade vakataurira vatori venhau kuti sarudzo hadzisi kuitwa nekukurumidza sezviri kufunga vamwe vanhu. Mashoko aya akatsinhirwawo naAmai Rita Makaru vanova sachigaro weZEC vakati vanotevera bumbiro pakutara zuva resarudzo.

Vaimbove sachigaro weZimRights uye vari gweta VaKucaca Phulu
vanowirirana nemaonero amuzvinafundo Madhuku.

VaPhulu vanoti nyika ingangoenda kusarudzo nekukurumidza chete kana
hupenyu hweparamende iripo hwagumisirwa panzira. VaPhulu vanoti izvi
hazvinetse kuitika sezvo bato reZanu PF riine nhengo dzakawanda mudare.

Sangano reVeritas rinotsigira maonero emagweta pamutemo vachiti kunyange
mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari ivo vanemasimba ekudoma zuva
richaitwa sarudzo, VaMugabe havagone kutara rimwe zuva ravanoda
riri kunze kwemazuva ari pakati pa24 Chikunguru na21 Nyamavhuvhu gore
rinouya.

Kunyange hazvo sarudzo dzegore ra2013 dzakaitwa musi wa31 Chikunguru,
hupenyu hwehurumende hwakatanga musi wa22 Nyamavhuvhu zuva rakagadzwa
VaMugabe semutungamiri wenyika.

Mumwe wevaimbove sachigaro weboka rakatungamirira kunyorwa kwebumbiro
remitemo uye vari munyori mukuru wabato reMDC-T inotungamirirwa
naVaMorgan Tsvangirai , VaDouglas Mwonzora, vanoti vakatara mazuva
esarudzo mubumbiro remitemo kudzivirira mutungamiri wenyika kuti
asatare zuva resarudzo paanodira.

Mutevedzeri wemunyori wezvemutemo mubato reZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti mutemo wakajeka.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Dr Pedzisayi Ruhanya vanoti VaMugabe
vachashevedzera zuva resarudzo zviri pamutemo vachishandisa nzira dzakatarwa mubumbiro.

VaRuhanya vanoti vanoona VaMugabe vachikurumidza kuti sarudzo dziitwe
nekuda kwekuti vave mutana.

Chimwe chinhu chichaita kuti sarudzo dzegore rinouya dzinakidze
ndechekuti vanenge vachikwikwidza kutungamira nyika vanofanirwa kudoma
vatevedzeri vavo vaviri vasati vaenda kusarudzo.

Vaviri ava vanenge vachivabatsira kutsvaka rutsigiro, uye ndivo vanozodomwa
kuve vatevedzeri vemutungamiri wenyika kana sarudzo dzapera.

Mutemo unosungira kuti mutungamiri wenyika awirirane zuva resarudzo
reZEC.

Mutemo unotiwo panofanirwa kuva nemazuva asiri pasi pemakumi mana
nemana kana anodarika makumi masere nemana pakati penguva inotaurwa
zuva resarudzo nemusi unoitwa sarudzo dzacho.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG