Apo zvikoro zvichangovhurwa kwekotoro yekupedzisira yegore, zvimwe zvikoro zvave kushandisa ma swipe machines izvo zvave kuita kuti vabereki varerukirwe nekubhadhara mari yechikoro yevana vavo.
Asi zvisinei vamwe vanoti dambudziko rekushaikwa kwemari munyika rinofanirwa kugadziriswa zvachose.
Nekuda kwedambudziko rekushaikwa kwemari rave nenguva richiitika munyika mumabhangi munogara makatsokodzerana nevanhu vanenge vachitsvaga mari kunyanya pamazuva ekuvhurwa kwezvikoro.
Asi zvimwe zvikoro zviri munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika zvave nema swipe machine uye zvave kubvumawo kuti vabereki vabhadhare nenzira yekushandisa mari yepafoni kunyanya yeEcocash.
Vamwe wevabereki vataura neStudio 7 vati vanotambira danho iri sezvo rave kuvarerutsira panhamo yekutsvaga mari yekubhadharira vana vavo mari yechikoro.
Mumwe wevanhu ava ndiMuzvare Mutsa Sibanda avo vati chikoro chemwana wavo chakatanga kushandisa swipe machine pakutanga kwemwedzi uno.
Mumwezve mubereki VaBruce Tagwirei vati kunze kwekuve neswipe machine, chikoro chemwana wavo chave kutambirawo mari paEcocash izvo zvavati zvinobatsira kuti vasarasikirwe nenguva vachitsvaga mari pane kuita zvimwe zvinoraramisa mhuri yavo.
Asi nekuda kwekuti kunetsa kwemari kuri kuramba kuchienderera mberi munyika vanhu vave kutambira kuti huremu hwemari yemabond note nemari yekunze uye nemari yekubhadhara munhu uchishandisa zvakasiyana.
Semuenzaniso kana munhu uine zana remadhora ekuAmerica unogona kuwana zana nemakumi matanhatu emabond note. Kana munhu uchishandisawo card kutenga kana kubhadhara chezana remadhora unogona kubhadhariswa mari iri pakati pemadhora mashanu nemadhora gumi pamusoro.
Mumwe mubereki asina kuda kudomwa nezita kana kubuda pamhepo ati chikoro chemwana wake icho chinove chimwe chezvikoro zvakazvimirira zvega muguta reBulawayo, chinoti chinoda kuti mari yechikoro ibhadharwe imwe iri mari chaiyo imwe kuchishandiswa card. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvedzidzo panyaya iyi.
Nyanzvi munayaya dzezvehumhizha mukufambiswa kwemashako VaNigel Gambanga vatsinhirawo kuti danho rekuti vabereki vakwanise kubhadhara mari yevana vavo yechikoro idanho rakanaka chose.
VaGambanga vati havawone chakaipa pakuti zvikoro zvakawanda zvishandise Ecocash sezvo zviri pachena kuti ndiyo nzira yekutumira kana kutambira mari iri kushandiswa nevanhu vakawanda munyika.
VaButler Tambo vanove mutevedzeri wemukuru wesangano reCentre for Public Engagement, vachitaura semuongorori wezvehupfumi akazvimirira ega vati kunyange hazvo pane matanho ari kuedza kurerutsira vabereki kuti vabhadhare mari yevana vavo yechikoro, zvakosha kuti dambudziko rekushaikwa kwemari rigadziriswe zvachose risati ranyanyoipisisa.
Mumwewo mubereki variwo mutori wenhau VaAdmire Kudita vatsinhira mashoko aya vachiti pane pamwe pakadai sekukwira makombi pekuti vanhu vanoda kushandisa mari chaiyo.
Pakutanga kwegore rino bazi rezvedzidzo rakazivisa kuti raive ratora danho rekuti zvikoro zvinosvika zviuru zvipfumbamwe munyika zvive nema swipe machine senzira yekuita kuti vabereki varerukirwe nekubhadhara mari yechikoro asi zvikoro zvakawanda hazvisati zvave nemichina iyi.
Senzira yekupedza dambudziko rekushomeka kwemari, gavhuna weRBZ Dr John Mangudya vakati munguva shoma inotevera vachaparura imwe mari yemabond notes.
Facebook Forum