Accessibility links

Global Witness Inoti Mari yeMangoda Yoshandiswa neVasori neMauto Kutyora Kodzero dzeVanhu

  • Blessing Zulu

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reGlobal Witness rinoti mari iri kubva mukutengeswa kwemangoda ekwaChiyadzwa iri kushandiswa mukutyora kodzero dzevanhu kuburikidza nemauto uye bazi revasori reCentral Intelligence Organization.

Mari yekutengeswa kwemangoda iyi inonzi iri kupfuura nekunyika dzakaita seDubai, India, Netherlands neSouth Africa kuburikidza nemakambani anoshanda zvisinga nzwisisike ari ku Mauritius, Hong Kong nemuJohannesburg.

Makambani aya anonzi anodyidzana nemakambani ehurumende yeZimbabwe uye makambani eZimbabwe National Army.

Mari inowanikwa nenyika mukubva mukutengeswa kwemangoda inonzi haisi kuenda kuhomwe yehurumende inobatwa negurukora rezvemari VaPatrick Chinamasa.

Global Witness inotiwo remangwana remangoda emuZimbabwe harina kujeka sezvo ave kuenda achiita mashoma uye makambani ehurumende ariko asiri kukwanisa kutenga michina yekuchera mangoda ari pasi.

Sangano iri rinoti dai mari yemangoda yaishandiswa zvakanaka Zimbabwe yaikwanisa kugadzirisa zvivakwa zvayo nekuwanisa vanhu mabasa.

Studio 7 yayedza kutaura negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramai, asi vanzvi vange vari mumusangano.

Gurukota rinoona nezviwanikwa, VaWalter Chidhakwa, vaudzawo Studio 7 kuti vange vari musangano vakati tizovafonera, asi hatina kuzokwanisa kuvabata pataenda pamhepo.

Mukuru wesangano reCenter for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti havashamiswe nemashoko eGlobal Witness nekuti zvinhu hazvina kujeka kwaChiyadzwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG