Accessibility links

Breaking News

Reuters Yokonzera Mutauro neNyaya Yekuti Pane Nhaurirano Pakati paVaTsvangirai naVaMnangagwa


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Munyika maita makakatanwa panyaya yakaburitsa nesangano renhau yeReuters yekuti pane nhaurirano dziri kuitwa pakati pemutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vaite hurumende yemubatanidzwa kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiya matomu.

Tsvakiridzo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti pane zvakawanda zvisina kunyatsojeka pane zviri kutaurwa neReuters panyaya iyi. VaTsvangirai uye hurumende yeBritain vakaramba nyaya iyi vachiti ndeyemugotsi matsuro.

Mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vakaudza Studio7 nezuro kuti nyaya iyi haina kana kutombozeyiwa nezvayo mumusangano wePoltiburo yavo, vachiti hapana zviripo.

Vamwe mubato reZanu-PF vanotsigira VaMnangagwa vanoti hazvishamise kuti vari kuchikwata chavari kupikisana nechavo cheGeneration 40 ndivo vari kubuda nemagwaro ekusvibisa VaMnangagwa kuti vave makara asionane naVaMugabe avo vasingade kunzwa nyaya yekuti vachasiaya basa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti kuti VaMnangagwa vaite hurukuro naVaTsvangirai, vanofanira kutanga vabuda mudziva rizere makarwe muZanu-PF umo musina kujeka kuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda neMedia Centre, VaEarnest Mudzengi vanoti vezvematongerwo enyika havangarambirwe kuti vangaiye nhaurirano asi panyaya iyi pane zvakawanda zvisina kujeka.

Sachigaro weZanu-PF kuBritain, VaNick Mangwana vanoti semaziviro avo hapana kana nhaurirano dziri kuitwa.

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi naVaMunyaradzi Paul Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG